Accessibility links

Breaking News

Gakava raVaTrump naAmai Harris Roratidza Muyisano paVaviri Ava


VaDonald Trump naAmai Kamala Harris
VaDonald Trump naAmai Kamala Harris

Musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica, vari kumiririra bato reRepublican Party VaDonald Trump vakatatsurana nevari kumirira bato reDemocratic Party nhasi mangwanani panyaya yekubvisa nhumbu, kupinda kwevanhu munyika uye kudyidzana nedzimwe nyika.

Vaviri ava vaita gakava vari pedyo nepedyo pasina vamwe vanhu kunze kwevatori venhau vaivabvunza mibvunzo venhepfenyuro yeABC News ichitepfenyurawo kune dzimwe nhepfenyuro zvichionekwa nemamiriyoni nemamiriyoni evanhu muAmerica vari kutarisirwa kuvhota musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Amai Kamala Harris naVa Donald Trump
Amai Kamala Harris naVa Donald Trump

Amai Kamala Harris vakataura kuvavhoti ukuwo vachipindura kushorwa kwavaiitwa naVaTrump, vachiparurawo gwara ravo mushure mekubuda musarudzo yemutungamiri wenyika kwakaitwa nemutungamiri wenyika VaVaJoe Biden vachivasiira tsvimbo. Vati, Zviripachena, handisi Joe Biden, uye handisi Donald Trump."

Vatizve, "Uye chandinopa igwara idzva rekutungamira nyika ino. Hutungamiri hunotenda mune zvinogoneka. Hunounza pfungwa yekuve netariro pamusoro pezvatingaite pane kugara tichishora vanhu veAmerica. "

VaTrump vashora Amai Harris vachiti vanoda zvehutongo hwegutsaruzhinji kana kuti Maxist vachiti ndivo vari kuita kuti munyika mupinde vanhu vakawanda vasina magwaro muAmerica.

VaTrump vati, "Vapadza hunhu hwedu netsika dzedu. Vari kubvumidza mamiriyoni nemamiriyoni evanhu kupinda munyika vasina magwaro."

VaTrump pasina kupa humbowo vati Amai Harris ndivo vakakonzera kuti Russia irwise Ukraine uye kuti hondo yemuGaza itange. Vati, Akavenga Israel." Vatiwo, "Uyezve anovenga nyika dzemaArab nekuti dunhu rose riri kubvira parizvino. MaArab, maJew, Israel. Israel inoparadzwa.”

Kuna VaTrump, aka kave kechinomwe vachiita gakava remutungamiri wenyika. Asi ndekekutanga kuna Amai Harris. Amai Harris vati VaTrump havafanire kupihwa mukana wekutungamira nyika zvakare uye vatungamiri venyika dzepasi rino vakawanda vanotenderana nemuono uyu kunze kwevanotonga nedemo avo vati VaTrump vanoyemura. Unoyemura vanotonga nedemo kwete kusimbaradza hutongo hwejekerere.”

Amai Kamala Harris
Amai Kamala Harris

Vanotsigira VaTrump vakaita semumwe mumiriri weFlorida mudare reparamende reHouse of Representatives VaByron Donalds vati Amai Harris vakundikana kuti vataure kuti zvii zvavachaita vakasarudzwa kutungamira nyika. VaDonalds vati, Kamala Harris chaaita kungoshora Trump. Haana kutaura nezvezvirongwa zvake." Vaenderera mberi vachiti, "Haana kutaura nezvemutsauko pakati pake naBiden. Pataurwa nyaya yehondo yekuAfghanistan ati kudii? Hapana kana chaataura.”

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Vavhoti vanodarika zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% vanoti vanoziva kuti VaTrump munhu akaita sei asi vachiri kuda kuziva kuziva zvizhinji nezvaAmai Harris.

Gakava iri raburitsa musiyano pakati paAmai Harris naVaTrump sematauriro aVaTed Lieu nhengo yebato remaDemocrats kuCalifornia. VaLieu vati, “Kamala aratidza uti ane chiremera chekutungamira. Donald Trump ange achitatarika kupindura mubvunzo uye munhu asinganzwisisike.”

Kunzwe kwekunge vaita rimwe gakava, sarudzo isati yaitwa, gakava iri rakakosha mukuzvishambadza kwevaviri ava kune vanhu vashoma vasara vasati vazvipira kuti vovhotera ani zvikuru mumatunhu manomwe akakosha pakuti ndiyani achatora mhiko yekutungamira nyika gore rinouya.

Nyaya iyi yatumirwa naSteve Herman, VOA News ari kuPhiladelphia yamaverengerwa naEvans Zininga weStudio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG