Katanga kuma 2020, mitengo yezvekudya yange yave kukwira pasi rose asi izvi zvakawedzera zvakanyanya kubva Russia zvayangotanga kurwisa Ukraine ichida kuipamba musi wa24 Kukadzi 2022. Ukraine ndiyo yaitengesera nyika dzakwanda pasi rose kusanganisira Zimbabwe chibage, mafuta ekubikisa negorosi.
Asi zvose izvi zvakanganiswa zvakanyanya nehondo iyi. Matambudziko ekushaya chikafu abva awedzerwawo nemvura yarambira mudenga.
European Council inoti hondo yakapa kuti zvirimwa zveUkraine zviderere nezvikamu makumi maviri nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 29% kubva muna 2022 kusvika muna 2023. Gorosi rakawanda kubva kuUkraine rinoenda kuAsia neAfrica. Zimbabwe yaimbotengawo fotereza kubva kuUkarine iyo ichitengesawo fodya, matehwe, michero izvo zvamira kubva zvatanga hondo iyi. Asi muna 2022 Russia yakakwanisa kutengesera Zimbabwe fotereza, gorosi nezvimwe.
Ongororo yakaitwa nesangano reGlobal Report on Food Crisis inoratidza kuti vanhu mamiriyoni mazana matatu nemapfumbamwe kana kuti 309 million munyika makumi manomwe neimwe vakatarisana nenzara inotyisa.
WFP inoti iri kutadza kutsvaga mari yose inodiwa kubatsira Zimbabwe nedzimwe nyika dzakatarisana nenzara dzakaita seSudan, dunhu reGaza nedzimwe.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nekambani yeGIMRI Finance VaGilbert Muponda vanoti nyika dzakawanda dzemuAfrica dzinotenga zvinhu zvakakosha kurwisa nzara kubva kunyika mbiri idzi.
“Nyaya yekushaikwa nekudhura kwechikafu yanyanya kukanganisa nyika dzemuAfrica nekuda kwekuti dzinotenga zvinhu zvitatu zvinoti fotireza, mafuta ekubikisa negorosi kubva kunyika dzeRussia neUkraine.” VaMuponda vanotsanangura.
VaMuponda vanoti hondo iri kutadzisa kufamba zvakanaka kwezvinhu izvi uye zvave kukonzeresa kuti mitengo yazvo ikwire pasi rose. Vati, “Nekudaro nyika dzemuAfrica dzinotenga kubva kuRussia neUkraine dziri kutambudzika zvikuru nekuti hondo iyi iri kukanganisa mafambisiro anoita zvinhu izvi uye nemitengo yacho ichikwira pasi rose nekuda kwehondo
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoti kutengeserana kwakanganiswa zvikuru nehondo iyi.”
VaKuchera vanoti, “Kudivi reRussia neUkraine ndiko kunobva fotireza zhinji inoshandiswa nenyika dzemuAfrica kunyange nekuEurope ndikozve kunobva gorosi saka kurwisana kwenyika mbiri idzi kukonzera kuti mitengo ikwire yemafotireza zvinokonzera kuti zvirimwa zvikwire mitengo pamwe nezvekudya”
VaKuchera vanotiwo,”Saka hondo iyi iri kubvongodza zvakawanda nekuda kusagadzikana kuri ikoko, nyika dzave kufanirwa kutsvaga fotireza kunedzimwewo nyika dziri Kure zvokonzera kuti mitengo yechikafu ikwire muAfrica.”
VaMuponda vanodzokazve vachiyambira vachiti, “Nyika dzemuAfrica kuti dzirambe dzichingochema dzinofanirwa kuita madiridziro nekuti nyika dzemuAfrica dzine ivhu rakanaka”
Munyori mukuru mubazi rezvekurima Muzvinafundo Obert Jiri vanoti nyika iri munzara nekudaro inotovimba nenyika yeRussia nedzimwe mukuwaniswa zvekudya nefotireza.
Patabvunza kuti sei Zimbabwe iri kutenga gorosi kunyika yeRussia nedzimwe nyika isiyo ichiti yakakohwa gorosi rakakwanqa, VaJiri vati nyika inoda zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% zvegorosi kubva kunze kuti isanganise neinorimwa munyika pakubika chingwa.
Asi mudzidzisi mukuru pachikoro chikuru cheAfrica University, Doctor Alexander Rusero vanoti ,
“Nyika dziri kuchamhembe kweAfrica nyika dzeEurope ndidzo matura echikafu chavo”
Asi vakamboudza vatori venhau kuti gorosi rinosvika zvikamu makumi masere kana kuti 60% kubva muzana rinobva kuRussia neUkraine.
Kunyangwe chibage chiri kunetsa kuwana, gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vanoti nyika yakwanisa kutenga chibage chakati wande kubatsira vanhu vatarisana nenzara.
VaMasuka vazivisa nyika kuti, “Sehurumende isu tinokwanisa kutenga kuti tibatsiridze zviri mudura renyika, sehurumende iyezvino tatenga 300 000 metric tonnes”
VaMasuka vanoti pamusoro pechibage chavanotenga hurumende yakabvumira vanhuwo zvavo pamwe nevemakambani akazvimirira kuti vatenge chibage kubva kune dzimwe nyika vasingabhadhare mutero. Doctor Masuka vati, “Takati iye zvino munhu anenge achibva nebhazi kuChirundu uko kana akafunga kuti kuZambia kwakaderera mutengo we hupfu anogona kuuya nahwo 20kgs yake yekuti adye nemhuri yake.” Vatiwo, “Tikati vemakambani vane zvigayo zvehupfu vanogona kutenga kusvika pavanodira”
Izvi zvinotsigirwa negwaro rakaburitswa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoti nyika yakatenga zvekudya zvemadhora ekuAmerica mamiriyoni makumi mana nezvisere nechiga mumwedzi waChikumi kana kuti US$48.1m kubva pamamiriyoni makumi matatu nezvipfumbamwe nezviga zvizere kana kuti US$39.8m muna Chivabvu.
Mumiriri weRussia muZimbabwe VaNikolai Krasilnikov vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatanga tavatumira.
Sangano reWorld Food Programme-WFP-rinoti Russia neUkraine dzinorima gorosi zvikamu makumi matatu kubva muzana kana kuti 30% nechibage zvikamu makumi maviri kana kuti 20% kubva muzana zvinodyiwa pasi rose. Asi hondo yave kupa kuti chikafu chinetse.
Vanhu vemuZimbabwe mamiriyoni mapfumbamwe vakatarisana nenzara uye nyika iri kutsvaga mari inosvika mabhiriyoni anodarika matatu kana kuti US$3,3 billion yekuAmerica. Asi mari iyi iri kunetsa kuwana.
Forum