Accessibility links

Breaking News

Kusungwa kweVekunze Vasina Magwaro muSouth Africa Kwokanganisa Raramo yeVakawanda


mapurisa muSouth Africa achisunga vabvakure.
mapurisa muSouth Africa achisunga vabvakure.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwaz zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaIsrael Magandlazi vanobva kwaGudo kuChiredzi mudunhu reChiredzi asi pari zvino vari kugara kuSunset View muPretoria kuSouth Africa.

VaMagandlazi, avo vane makore makumi matatu nemapfumbamwe, vanoita basa rekugadzira materevhizheni echizvinozvino kana kuti smart TV anenge akafa, kugadzira chero chinoshandisa magetsi ezuva chinenge chakafa nekuisawo magetsi emudzimba.

Asi vanoti pari zvino bhizimusi rakaderera zvakanyanya nekuda kwekusungwa sungwa kuri kuitwa zvizvarwa zvekunze kweSouth Africa zvinenge zvisina magwaro anozvibvumidza kugara zviri pamutemo munyika iyi izvo zviri kuita hwakitsi nagonzo nevezvemutemo munyika iyi.

Vanoti vazhinji vevanhu vavaigadzirira materevhizheni nemidziyo yemagetsi vari vanhu vaibva kuZimbabwe nedzimwe nyika vasina magwaro vanhu vave kutya kufamba famba nenyaya yekushaya mapepa iyi.

Nekuda kwekuoma kwezvinhu uku, VaMagandlazi vanoti vave kungomira nebasa rekushandira murungu kunyange hazvo risingavawanise mari inovakwanira kuchengeta mhuri yavo yemudzimai nevana vana (4).

Vanoti vakazvidzidzisa voga basa rekugadzira materevhizheni iri muna 2008 vave kwakare kuSouth Africa. Pamubvunzo wekuti sei vasiri kudzokera kumusha kana zvinhu zvavaomera?

VaMagandlazi vanoti zviri nani kurembera pane kudonha vachiti vanoona sekunge kumusha zvinhu zvakatonyanya kuoma pane kunge vari muSouth Africa.

Forum

XS
SM
MD
LG