Accessibility links

Breaking News

Crisis in Zimbabwe Inoti Vanhu Ngavabatane Kuti VaMnangagwa Vasarambire Pachigaro- Zanu-PF Ichiti Vanodei paHuku yeMweni.


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri kukurudzira vanhu vose munyika kusanganisira vari muZanu-PF, vemakereke, mapato anopikisa, vakarwa hondo yerusungunuko, vechidiki nevamwe kuti vabatane mukumira semusambangwena kuti bumbiro remitemo rivandudzwa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari panyanga panopera temu yavo muna 2028.

Sangano iri raburitsa mashoko kuvatori venhau richiti zvakakosha kuti veSADC neAfrican Union vakurudzirewo Zimbabwe kuti iremekedze mutemo.

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuramba vachidzokorora kuti vave kuda kuenda pamudyandigere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe mubato ravo vari kuti ngavaenderere mberi nebasa. Mutauriri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa vakaudza vatori venhau kuti bato ravo ndiro richabuda nechisungo chekuti VaMnangagwa voenderera mberi here kana kuti kwete nehutungamiri.

Asi mutauriri weCrisis in zimbabwe Coalition VaMarvellous Kumalo vati zviri kumhuri yezimbabwe yakanyora bumbiro remitemo kwete Zanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG