Accessibility links

Breaking News

Mari Yoputsa Hukama HwaVaNcube naVaTshabangu


VaSengezo Tshabangu negweta ravo Va Nqobani Sithole
VaSengezo Tshabangu negweta ravo Va Nqobani Sithole

Chimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change chinotungamirirwa naVaWelshman Ncube chave kutsemuka nepakati mushure mekunge vari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu vati VaNcube havasisiri mutungamiri webato iri.

VaTshabangu vakatumira tsamba kuna VaNcube nevamwe vavo vari muhutungamiri vachiti pasi pebumbiro rebato, makore avo mashanu avaifanira kutungamira akapera muna Chivabvu sezvo vakasarudzwa muna 2019 pakongiresi yeMDC Alliance.

Izvi zviri kuuya panguva iyo hurumende ichangozivisa kuti iri kuzopa chikwata ichi mari inosvika miriyoni imwe chete nezviru mazana matanhatu kana kuti US$1,6 million. Mari iyi inopihwa bato rinenge rawana zvikamu zvinodarika zvishanu kubva muzana kana kuti 5%.

Mutauriri wechikwata chaVaNcube, VaWillas Madzimure vaudza Studio 7 kuti VaTshabangu havana simba ravari kuzvipa iri rekumisa vatungamiri.

Vatenda kuti nyaya yemari inenge ndiyo yokonzera mutauro. Vati mari ndeyebato uye ikaenda muhomwe yaVaTshabangu chete kubira nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sezvo tichitema tisina divi ratakarerekera, tabatawo vari kudivi raVaTshabangu vari sachigaro webato iri kuMashonaland East VaFrancis Badzarigere vari kutsigira VaTshabangu.

VaBadzarigere vati VaTshabangu ndivo vanozivikanwa zviri pamutemo nedare reparamende nematare. Vati VaNcube nevamwe vavo vanofanira kuenda kukongiresi kana vachida kutungamira bato.

VaBadzarigere vati mari inofanira kubatwa naVaTshabangu sezvo vari ivo chete vachiri nemakore asara vari pabasa sezvo vakanonoka kusardzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG