Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muNyika Vanoti Havadi Mutungamiri Anoda Kufira Pachigaro: Afrobarometer


Mass Public Opinion Institute
Mass Public Opinion Institute

Sangano rinoita nezvetsvakiridzo Re Afro Barometer richishanda nere Mass Public Opinion Institute raburitsa zvakabuda muongororo yarakaita panyaya yehutongi hunodiwa nevanhu muZimbabwe.

Tsvakiridzo iyi iri kuburitsa pachena kuti vanhu vakawanda munyika kumamisha nekumadhorobha vanoda hutongo hwejekerere kwete hwehumbimbindoga.

Asi vakawanda munyika vari kuti havo havatenderane negwara ratora nyika.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana (85%) zvinoti zvinoda hutongi hwe jekerere vachiti havadi kutongwa nemunhu mumwe chete kana bato rimwe chete-one party state.

Vakawanda vanotiwo havadi kutongwa nemauto anenge abvuta masimba. Ongoro iyi iri kuuya panguva iyo zvinhu zvisina kugadzikana munyika sezvo vamwe mubato riri kutonga re ZANU-PF muine makakatanwa.

Vamwe vari kuti bumbiro remitemo renyika ngarivandudzwe kuti mutungamiri wenyika atonge kusvika madhongi amera nyanga vamwe vachiti ngavaende pamudyandigere.

Panyaya yesarudzo dzemunyika dzinoshandiswa sechikero panyaya yehutongo wejekerere, vanoongorora sarudzo munyika, veSADC, veAU, EU, America nevamwe vakati sarudzo dza2023 dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Vanoongorora nezve kugara zvakanaka kwevanhu vari mukuru we zvirongwa musangano re Zimbabwe Network For Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana vanoti , “ Kutaura havo vari kutonga nyika kuti kune hutongo hwejekerere negutsaruzhinji.” Vaenderera mberi vachiti, “Pachokwadi chakarwirwa nevakomana nevasikana kuhondo yechimurenga, munyika Yamuna hapana hutongo hwejekerere zvinoonekwa chero nani zvake”.

Vanoti gutsaruzhinji kureva kurememkedza kodzero dzevanhu, miwono yakasiyana, kodzero yekutsoropodza hurumende uye sarudzo dzakachena dzisina chipomerwa nekumbunyikidzwa kwevanopikisa hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG