Accessibility links

Breaking News

Learnmore Jonasi Odadisa Kumakwikwi eAmerica’s Has Got Talent


Learnmore Jonasi - Comedian
Learnmore Jonasi - Comedian

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoita zvemafirimu, Nick Zemura, anoti ari kufara zvikuru nezviri kuitwa naLearnmore Jonasi uyo anoita basa remitambo yekusekesa vanhu.

Jonasi akakwanisa kupinda mumakwikwi echhirongwa cheAmerica Has Got Talent chiri kuitwa pari zvino.

Jonasi nezuro akatyora vanhu mbabvu nekuseka mumakwikwi ekupedzisira eAmerica’s Got Talent kana kuti AGT season 19. Vanhu vakawanda muAmerica vari kuvhotera munhu achakunda mumakwikwi aya.

Learnmore Jonasi - Comedian
Learnmore Jonasi - Comedian

Vanhu vachamiswa kuvhota nemusi weChitatu kuti atange kuverengwa.

Jonasi akambopindawo muzvirongwa zvinoti Comedy Central ne Steve Harvey Spotlight award akawanawo mibayiro.

Kunze kwa Learnmore, vamwe vari kukwidza vanoti muimbi, Richard Goodall, mumwe anoita zvemapipi, Solange Kardinaly, anoita zvemadrones Sky Elements nechikwata chinoita zvekutamba cheBrent Street pamwe nevanotamba nembwa Roni Sagi & Rhythm nevamwewo.

Zemura ati, "Zviri kuita Jonasi zvinodadisa nekuti hazvisi nyore kumira pamberi pevanhu vasiri vemunyika mavo uchikwanisa kuvasetsa uye nekusimudzira nyika yako”

Atizve, “Kunyangwe pane vamwe vanogona kunge vachinyomba padandemutande vanovanirwa kuziva kuti zviri kuitwa neJonasi zvinhu zvinodadisa uye zvinoita kuti nyika yedu izivikamwe pasi rose.

"Shuwiro yedu ndeyekuti atore mukombe wemakwikwi aya kuitira kuti vamwe vechidiki vari kufunga kuita zvemitambo kana kusetsa vanhu vasawore moyo vachiwona kuti zvine chouviri,"

Zemura aenderera mberi achikomekedza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuti zvisanete kukanda mavhoti azvo pana Jonasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG