Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira Zimbabwe Kurwisa HIV


The new Ambassador of the USA to Zimbabwe, H.E Pamela Marie Tremont
The new Ambassador of the USA to Zimbabwe, H.E Pamela Marie Tremont

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, vanoti vanofara kuti nyika yavo iri kukwanisa kubatsitra Zimbabwe mumabasa ekurwisa HIV/Aids nemamwe.

Amai Tremont vataura mashoko aya kuvatori venhau pachipatara chikuru cheMpilo Hospital apo vange vachiona muzinda unovhenekwa ropa kuti rine hutachiwana here kana kuti kwete, kana kuti HIV Laboratory.

Vati nyika yavo inoisa mari inopfuura mamiriyoni mazana maviri muzvirongwa zvehutano muZimbabwe.

Amai Tremont vati vanofara kuti nyika yavo iri kushanda pamwe chete nehurumende yeZimbabwe muhondo yekurwisa HIV/Aids. Vati, “Kuongorora huwandu hwehutachiwana hweHIV mumuviri kwakakosha zvikuru kunyanya kune avo vanenge vave kusangana nematambudziko pakurwisa hutachiwana uhucuyezve kuvana vadiki nekuti kunobatsira kuti Zimbabwe isvike pachinangwa chekuti HIV/Aids isaonekwa sechirwere chinoramba chichishungurudza veruzhinji gore ra2030 parinosvika.”

America, kuburikidza nebazi rayo reCentre for Diseases Control ichibatsirwa nehomwe yePresident’s Emergency Plan For Aids Relief kana kuti PEPFAR, yakatenga muchina mukuru wakaiswa paMpilo unoita kuti kuongororwa kweHIV kuitwe nekukasika uye chipatara cheMpilo ndicho chimwe chenzvimbo mbiri chete dziri munyika dzine muchina wakadai.

Muzinda uyu unoshanda nezvimwe zvipatara nemakiriniki zviri kuchamhembe kwenyika kusanganisira makiriniki emuguta reBulawayo.

Mukuru weHIV Labartory paMpilo, VaJohn Chitumbura, vaudza Studio 7 kuti muchina wave pamuzinda uyu ndewemhando yepamusoro uye unokwanisawo kuongorora gomarara rechibereko kana kuti cervical cancer. Vati, “Kutanga taive nemichina yaive midiki yaiita ma tests 250 pazuva asi muchiva watave nawo uyu unoita 1250 pazuva saka tave pamusoro.”

Vaenderera mberi vachiti, “Maresults edu taikwanisa kuti tipedze mavhiki maviri asati abuda asi ikozvino tave kumirira mazuva manomwe chete munhu anenge ave kutonorapiwa.”

Kunze kwekubatsira nehomwe yekuti muchina uyu uvepo, muzinda weAmerica unobatsirawo nehomwe yekuti ugare uchishanda zvakanaka pamwe nekugadzirwa kana uchinge wafa uyewo kuongororwa kwemuzinda uyu kuti uve nemagwaro anoratidza kuti unoshanda zvinoendarana neInternational Standards Organization.

Mukuru weMpilo Hospital, Dr Narcisius Dzvanga, vanoti izvi zvakakosha zvikuru.

“Zvave kuitika mazuvano ndezvekuti vanhu vanoti ngatirege kuita zvinhu tisingazivi kwazvinobva nekwazvinoenda, asi ngative nema indicator anoratidza kuti zvinhu zvatiri kuita zvive painternational level.” VaDzvanga vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, “Saka vanoita mainspection worldwide vanoonawo masevenzero ari kuitwa uye kuti zviri kuitwa zvacho zviri kuitwa nemazvo here. Izvi zvinobatsira chose pakupa service yakanaka kuvanhu.”

Mukuru weLaboratory Services mubazi rezvehutano, Dr Raiva Simbi, vati vanofara zvikuru nerutsigiro rwuri kupiwa Zimbabwe neAmerica vakatiwo zvakawanda zvinodiwa pakurwisa HIV zvave kukwanisa kuitwawo kuzvipatara nemakirinika akasiyana-siyana munyika kwete kungomirira zvipatara zvikuru chete sezvaichiitika kare. VaSimbi vati, “Izvi taizviwana chete kumaReference Lab nemaCentral Hospitals asi izvozvi izvi maprovince ose, madistricts nemamwe marural health centres ave kushandisa atinoti mapoint of care, tumuchina tudiki-diki tunogona kushandiswa kuma clinic kuitira kuti panouya vanamai vakazvitakura vanoda maresults nekukasika, zvinobva zvaitwa ipapo."

Zimbabwe ine vanhu miriyoni nezviuru mazana matatatu kana kuti 1.3 million vari kurarama neHIV/Aids uye zvikamu zvinopfuura makumi mapfumbabwe nezvishanu zvevanhu ava, vari pachirongwa cheAntiretroviral Therapy

Amai Tremont vari kushayira zvirongwa zvakasiyana-siyana zvinotsigirwa nehurumende yeAmerica muBulawayo uye nemusi weChishanu vachange vari kuMatobo.

America ndiyo nyika iri pamberi mukutsigira zvirongwa zvehutano muZimbabwe uye yabatsira zvirongwa izvi nemari inodarika bhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica.

Forum

XS
SM
MD
LG