Accessibility links

Breaking News

America Inoti Iran Inogona Kurangwa Ikasatevedzera Zvibvumirano zveKushandiswa kweNuclear


Director General of the International Atomic Energy Agency (IAEA) Rafael Grossi attends the IAEA's
Director General of the International Atomic Energy Agency (IAEA) Rafael Grossi attends the IAEA's

Zvichitevera gwaro richangoburitswa nesangano rinoona nezvekushandiswa kwenuclear reInternational Atomic Energy Agency kana kuti IAEA mukuru wesangano iri VaRafael Grossi vakaudza bhodhi resangano ravo kuti Iran haisi kuita hurukuro navo panyaya yehurongwa hwayo hwenuclear.

Nekudaro vanoti IAEA haichazive kuti Iran yasvika papi pahurongwa hwayo. VaGrossi vanoti kunyangwe Iran iri kuti yazadzikisa zvinodiwa nesangano remashandisirwo ezvombo zvenuclear kana kuti Nuclear Non-Proliferation Treaty Safe Agreement izvi handizvo zviri kuitika.

Vati nekuda kwekusabuda pachena, havazivi kuti hurongwa hwenuclear hweIran huchiri hwekuita zverunyararo here sekugadzira magetsi kana kuti yave kugadzira zvombo zvehondo.

Mumiriri weAmerica kuhofisi yeUnited Nations International Atomic Energy Agency ku Vienna, Amai Laura Holgate vati zviri kuitwa neIran zvinotemesa musoro.

Amai Holgati vati, “Sezvakataurwa nemukuru weIAEA pane kushanda nedzimwe nyika kujekesa nyaya iyi, Iran iri kuramba yakatsika madziro ichitora gwara risiri iro. Iran iri kuramba ichikwenenzvera zvirongwa zvayo ichiwedzera zvinhu zvaisingatarisirwe kunge ichhita kana isiri kuda kugadzira zvombo zvinoparadza.

Vatiwo kuramba kwenyika iyi kuti iongororwe nenyanzvi dzeIAEA kuri kukanganisa basa rinofanira kuitwa nesangano iri. Musi wa 11 Gunyana, America yakabatana neFrance, Germany neUnited Kingdom mukuburitsa mashoko ekushora Iran nekusabuda pachena kusangano reNPT Safeguards Agreement.

Mumashoko aya, nyika idzi dzakati Iran ikatadza kubuda pachena uye kudyidzana neIAEA ichatorerwa matanho. Vatiwo nechinangwa chekuti zvibvumirano zvichengetedzwe uye kuti zvombo zvenuclear zvisangopararira havasi kuzorega Iran ichiira madiro aJojina gore negore.

Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pakudyidzana kwayo neIran. Maaverengerwa naBlessing Zulu, VOA

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG