Vanofungidzirwa kuti vasori vannge vakapakatira pfuti nemotokari mbiri vanonzi vafumobata jongwe muromo kuenda kumba kwemupepeti mukuru webepanhau reFinancial Gazette Guthrie Munyuki mushure mekunge bepanhau ravo raburitsa mashoko nemusi weChina ekuti zorororai murugare pakukorokotedza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pabhavhudhe ravo.
Pasvika vanofungidzirwa kuti vasori ava, Munyuki anonzi ange vasiri pamba. Gweta rake, VaAlec Muchadehama vaudza Studio 7 kuti vange vachiri mumusangano nekudaro vange vasingakwanise kutaura nesu nezvenyaya iyi.
Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Commissioner Paul Nyathi kana kuti mutauriri wemauto Colonel Alphios Makotore kuti tinzwewo kuti ndivo vari kutsvaga Munyuki here .
Munyori mukuru musangano reZimbabwe Union of Journalists kana kuti ZUJ, Perfect Hlongwane, audza Studio 7 kuti sangano iri harisati ranzwa zvizere panyaya yaMunyuki.
Asi vati kana munhu akanganisa anokumbira ruregerero. Ati, “Nekuti paitwa inonzi pachirungu apology, pakumbirwa ruregerero zvinoreva kuti vanhu vaona kuti pakaitika mhosho.” Atizve, “ Tinofunga kuti izvozvo zvinofanira kuti batsira kuti pamashandiro edu tishande zvakanaka pasina kutya kana kumbunyikidzwa.
Mumwe wevakuru veMedia Alliance of Zimbabwe kana kuti MAZ, sangano rinomirirawo kodzero dzevatori venhau, VaNigel Nyamutumbu, vati vatori venhau hadzisi ngirozi uye vanokanganisawo sevanhu venyama.
Vati, "Zvatinoda isu ndezvekuti panenge pakanganiswa iro bepa nhau pachezvaro vozvigamuchira kuti takanganisa.” Vaenderera mberi vachiti, “Kana vachinge vadaro votora matanho zviri maringe nebumbiro remutemo wevatapi venhau rinonzi Code of Conduct.”
Mumwe wevarairidzi anodzidzisa vatori venhau pachikoro cheHarare Polytechnic muHarare VaAdmire Masuku, vati kuti zvakadai zvisaitike, vatori venhau vanofanira kunyatsopepeta nhau zvemhando yepamusoro.
"Izvi zvinorangaridza vatori venhau kuti vashande nemazvo nekucherechedza zvikuru kuti pasaita mhosho dzakadai uyewo vachangamuke pabasa," VaMasuku vaudza Studio 7 muHarare.
Gweta rinorwira kodzero dzevatori venhau VaChris Mhike vati vatori venhau vane kodzero yekuita basa vasingambunyikidzwe. Vati, "Basa rekutapa nhau rinosanganisira kufambiswa kwemashoko nguva nenguva. Mukufambiswa kwemashoko pane zvinokanganisika,"
Masangano akaita seCommitee to Protect Journalists, Amnesty International nemamwe anorwira kodzero dzevanhu anogara achiti vatori venhau havashande vakasungunuka muZimbabwe.
Asi bazi rezvekuburitswa kwemashoko rinogara richiti riri kuyedza kugadzirisa chimiro ichi richishanda nevatori venhau pasina kuvambunyikidza.
Hatina kukwanisawo kunzwa kumunyori mukuru webazi iri VaNick Mangwana sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.
Forum