Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika Votanga Kutaura kuUnited Nations Nhasi Asi VaMnangagwa Vasipo


Munyori mukuru weUnited Nations Antonio Guterres
Munyori mukuru weUnited Nations Antonio Guterres

Vatungamiri venyika vari kutarisirwa kutanga kutaura nhasi kumusangano mukuru wepagore weUnited Nations wechimakumi manomwe nepfumbamwe kana kuti 79th Session. Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa muNew York nhasi.

Mutungamiri wenyika yeBrazil VaLuiz Inácio Lula da Silva ndivo vachatanga kutaura pamberi pegungano iri sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

Mnangagwa

Asi mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari pakati pevamwe vatungamiri venyika dzepasi rino vashoma vasiri kuenda kumusangano uyu.

Vamwe vasiri kuenda vanosanganisira nhengo dzedare reUN Security Council dzinoti France, United Kingdom, China neRussia. Kusavapo kwaVaMnangagwa pamusangano uyu kwapa kuti vamwe muhurumende yavo vange vatumwa kufanokura nzira vabve vadzokera kumusha.
Zimbabwe iri kumiririrwa kumusangano uyu negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava.

VaShava vakatosanganawo nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres

Nezuro VaShaya vamiririra Zimbabwe mumusangano unonzi “Summit of the Future” uri kuitwa kumucheto kwemusangano General Assembly. VaShava vakati musangano uyu wakakosha zvikuru kuti vatungamiri venyika dzepasi rino vatarise kwavari kuenda uye kutsidza zvakare kuti vakazvipira kubatana kugadzira matambudziko akatarisana nenyika dzepasi rino.
VaShava vakaitawo musangano negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muVenezuela Va Yvan Gill.

Musangano uyu uri kuitwa pasi pedingindira rekuti, “Hapana anofanira kusiiwa kumashure, kushanda pamwe chete kusimudzira hupfumi nekuumba remangwana rakanaka."

Forum

XS
SM
MD
LG