Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaparura hurongwa hwemamiriro akaita zvinhu munyika kana kuti State of the Nation Address vachiti danho rakatorwa nebhanga guru reRBZ rekudhingura mari yeZiG kubva paZiG13,99 kusvika pa ZiG24,39 kana ichienzaniswa nedhora rimwechete rekuAmerica, idanho rakanaka, rinoda kutsigirwa. Asi vakawanda munyika vanoti RBZ yakaigochera pautsi.
Vachitura kudare reparamende kuMt Hapden muHarare, VaMnangagwa vati vanhu vose vemunyika vanofanira kutsigira mari yeZiG. VaMnangagwa vati, "Matanho akatorwa neRBZ ndeekudzikamisa mari yedu." Vaenderera mberi vachiti, "Zvasarira isu kuti tiedze kuti mari iyi isapera simba. Tichatora matanho ekuranga avo vanopesvedzera kuti mari yemuno ishaye simba."
Izvi hazvinei nekuti dhora rimwechete rekuAmerica rave kutengwa nemari inosvika 40ZiG pamusika mutema. VaMnangagwa vati hurumende yavo ichaisa parutivi zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemari inotengeswa zvicherwa kuti itsigire ZiG.
Mutungamiri wenyika atiwo, zvisinei nekuti nyika iri pasi pezvirango, hupfumi hwayo huri kuratidza kusimukira.
Mutungamiri wenyika arumbidzawo vari muchiuto, achiti vari kubata basa rinonwisa mvura mukuchengetedza runyararo munyika.
VaMnangagwa vabva vavhurawo zviri pamutemo, chikamu chepiri cheparamende yegumi (second session of the 10th parliament), apo vakohomedza dare reparamende kuti richimbidze kugadzirwa kwemitemo yava nenguva ichingonzi iri kugadzirwa.
Vati, "Pane mabhiriakawanda agarisa achingonzi ari kugadziriswa mudare rino. Ndinoti kwamuri makurukota eparamende, wonai kuti mitemo iyi yapasiswa nekukasika, apo chikamu chino chebasa renyu chisati chapera"
Vachitaura neStudio 7 mushure mekuturwa kwemashoko naVaMnanngagwa, gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vaudza Studio 7 kuti zvichitevera danho rakatorwa neRBZ svondo radarika, vashandi vehurumende vachawedzerwa mari yavanotambira. Muzvinafundo Ncube vati, "Tinoziva kuti vakawanda vari kushushikana nedanho rakatorwa, nhaizvozvi kutaura kuno, tiri mubishi kuda kuona kuti tiwedzere vashandi vehurumende mari."
Vatizve, "Vanhu chavanofanira kuziva ndechekuti RBZ iri kuedza kudzikamisa mari yeZiG." Vati, "Regai ndibve ndataurawo kuti mari iyi ichiri yakatsigirwa negoridhe, nezvimwe zvicherwa."
Asi mumiriri weMarondera Central mudare reNational Assembly, uyewo vari nhengo yeCCC kuchikwata chinotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaCaston Matewu, vati ruzhinji rweZimbabwe rwakabatwa kumeso nehurumende, apo vakanzi mari yeZiG yakatsigirwa negoridhe. VaMatewu vati, "Vanhu vakanyeberwa nenyaya yekuti pasi rese, goridhe riri kuwana simba chose, saka sei mari yedu iri kupera simba, iyo yakatsigirwa negoridhe?"
Vaenderera mberi vachiti, "Kungochinja huremu hwemari kwakaipa nekuti mangwana tichaona vachiti dhora rekuAmerica rava kutengwa nemaZiG zana. Tangodzokera kumari dzedu dzekare dzavakabvisa. Ngavauye tigare pasi titaurirane kuti nyika tingaiendesa mberi sei, kwete zvavari kuita izvi."
Nyanzvi inowongorora nyaya dzehupfumi, uye vacishanda kusangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vati vanhuwo zvavo nevemabhizimisi ndivo vakaomeserwa nedanho reRBZ.
"Zvichaitika ndezvekuti mari dzevanhu dzinoshaya simba rekutenga; zvimwechete nemari dzeavo vari mumabhizimusi. Vamwe vanogona kutadza kutonohodha chaiko. Saka chero vanhu pavachatambira, mari yavanowana ichange yakachekwa nepakati sezvo dhora rava kutengwa nemari yakatustirwa."
Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vari mukuru wesangano reCoalition of Liberal Market Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti mashoko aturwa nemutungamiri wenyika haaratidzi chimiro chaicho chiri munyika, chekuti zvinhu zvakaoma.
VaNgwenya vaudza Studio 7 kuti, "Handina kunyatsonzwa sekuti mutungamiri wenyika ari kuziva kuti kune vanhu vakawanda vari munzara, uyewo kuti hupfumi hwenyika hausi kuita zvakanaka, uye, mari yemuno haisisina simba. Vatizve, " Vanga vachitotaura sekunge zvinhu zvese zvakaringana. Hameno kuti vavanoshanda navo havavaudziwo here chimiro chaicho munyika, nekuti hapana chinobatika chavataura maererano nekugadzirisa matambudziko ari munyika."
Zimbabwe iri kusangana nematambudziko akaita senzara, yasiya mamiriyoni evanhu vanhu vachiona chitsvuku nekushaya chekudya.
Vamwewo vateerera mashoko aVaMnangagwa, vanoti mutungamiri wenyika anyanya kunongedzera kumatambudziko, vachisiya kuzotaura kuti zvinetso izvi zvingagadziriswa sei.
Vachipeta kutaura kwavo, VaMnangagwa vakurudzira kubatana munyika vachiti ikodzero yemunhu wose kuchengetedza kubatana nerunyararo zvinova nhaka yenyika.
Asi vanopikisa vanoti munyika hamuna kubatana vachipomera VaMnangagwa mhosva yekutonga nedemo. Mutauriri wechimwe chikwata cheCCC chinotungamirirwa naVaJameson Timba vari mutirongo kwemwedzi yave kuda kusvika mina, VaPromise Mkhwananzi, vanoti VaMnangagwa vakundikana.
VaMkwananzi vati, "Panoda kuongorora chikonzero chaita kuti musoro uteme."
Vaenderera mberi vachiti, " Chikonzero ichi haisi mari yemuno kwete, asi hutungamiri husiri kudiwa nevanhu. Saka chero hurumende yaVaMnangagwa ikataura zvakaita sei, kana kuunza mari dzerudzi rwupi, hapana chinofamba nekuti veruzhinji vanoziva kuti hutungamiri hwavo ndwehwehwakumukwaku. Ngatigadzirisei ipapa senyika kuti zvinhu zvedu zviite."
VaMnangagwa vakurudzira kuti paramende ipedze kuzeya mabhiri ose mwaka uno akaita serekodzero dzevakaremara rePersons with Disabilities; rekubvisa charango chekutongera vanhu rufu kana kuti Death Penalty Abolition; uye remashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organisations Amendment nemamwe.
Forum