Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Neisse Nyanzvi Ndiyo Ine Mitengo Yakwira Zvakanyanya Pasi Rose


Steve Hanke speaks to VOA Turkish on Turkey's economy, lira tumble and inflation
Steve Hanke speaks to VOA Turkish on Turkey's economy, lira tumble and inflation

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Steve Hanke, vakambova chipangamazano chevatungamiri wenyika yeAmerica vane chitsama, vanyora padandemutande ravo reX kuti kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti ‘inflation’ muZimbabwe kunodarika nyika dzose dzepasi rino.

Vati izvi zviri kukonzerwa nekudhinda mari yakawandisa.

Pakukwira kwemitengo kana kuti ‘inflation’ yepagore, VaHanke vati Zimbabwe iri pachiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi masere nemashanu kubva muzana kana kuti 1, 385%.

MuSudan iri kutevera Zimbabwe, uye ine hondo, zvinhu zvakwira nezvikamu mazana matatu nemakumi masere nemaviri kubva muzana kana kuti 352% pagore.

Chipangamazano cheReserve Bank of Zimbabwe VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti mitengo yakwira hayo asi kwete zvakanyanya sezviri kutaurwa naVaHanke.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti vanowirirana naVaHanke kuti Zimbabwe yananga kumawerere.

Forum

XS
SM
MD
LG