Accessibility links

Breaking News

Ipai Bazi rezveHutano Mari Yakawanda muBhajeti: Paramamende Youdzwa neVanhu


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemari, yeBudget and Finance, nhasi dzatanga kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pebhajeti ra2025, vakawanda muHarare vachiti hurumende inofanira kuisa mari yakawanda kumapazi ehutano, dzidzo pamwe remaindasitiri nemabhizimisi.

Vakawanda vevapinda mumusangano waitwa muHarare vati gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanofanira kuisa mari yakawanda kubazi redzidzo yepasi nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvikoro.

Mumwe wevapa pfungwa dzavo ndaVaKnox Kapikwa avo vati kana bazi iri rikapihwa mari yakawanda zvikoro zvinokwanisa kudzikisa mari dzinobadhariswa vabereki. VaKapikwa vati, “Zvikoro munzvimbo zhinji hazvina dzimba dzekudzidzira dzakakwana nezvimwe, saka zvinofanira kupihwa mari yekuvaka dzimba dzakawanda nezvimbuzi kuti vana vadzidze zvakanaka.”

Vamwewo vakaita saVaSimbarashe Chipindura, avo vanodzidza paMidlands State University, vaudzawo musangano wanhasi uyu kuti hurumende inofanira kubhadharira mari yechikoro kune vaya vanoshaya kuitira kuti vakwanise kudzidza kudarika padhigirii rekutanga zvinove zviri kuitika pari zvino.

Vakawanda vatiwo bazi rezvehutano rinofanirwakupiwa mari yakawanda nekuti muzvipatara hamuna kumira zvakanaka sezvo musina mishonga uye vashandi vakaita sanamukoti nanachiremba vari kusiya mabasa nekuda kwekuti havasi kupihwa mihoro inokwana uye kushaya zvekushandisa zvakakwana mumabasa.

Mugari wemuHarare, Muzvare Sharon Mharapara ndemumwe ane muono uyu achiti bazi rezvehutano rave nemumwe mutoro mukuru wekurapa vechidiki vane hutano hwaparara nekutora nekunwa zvinodhaka.

“Vabereki muri kuona kuti isu vana tiri kumwa mutori nezvinodhaka asi ma Rehabilitation Centre mashoma uye aripo acho anodhura saka tinokumbira kuti hurumende iise parutive mari yekutivakira maRehabilitation Centre akachipa.” Muzvare Mharapara vaudza nhengo dzeparamende.

Ati hurumende inofanira kuzadzisa chiga che African Union che Abuja Decleration icho chinoti dzihurumende dzinofanirwa kupa zvikamu gumi nezvishanu zvamabhajeti adzo kumapazi ehutano.

Gore rapera gurukota rezvemari Muzvinafundo Ncube vakaisa zvikamu gumi nechimwe zvebhajeti renyika kubazi rezvehutano, uye pavakabvunzwa kuti sei vakatadza kuzadzisa chiga ichi vakati bazi iri raiwana mari yakawanda kubva kunyika dzinobatsira zvaitoita kuti bhajeti rebazi iri ridarike kurudziro ye Abuja Declation.

Dzimwe nyaya dzabuda nhasi ndedzekuti hurumende inofanira kuisa mari yakawanda kubazi rezvemaindasiriri nemabhizimisi kuitira kuti rivandudze hupfumi nekumutsiridza makambani ari kuvhara.

Vakaremara vabudawo zvine mutsindo vachiti bhajeti rinofanira kuisa mari yekusimudzira raramiro yavo muzvikoro, kumabasa nekudzimba dzavo.

Doctor Tafara Marasi vati nekuda kwematambudziko anosangana nevakaremara, bhajeti rinofanira kuisa parutivi mari yeDisability Allowance kumunhu wega wega akaremara munyika. Vati, “Pataurwa nyaya yemaSpecial Grants ini ndoda kuti Monthly Disability iphwe munhu wese akaremara zvisinei nekuti anoshanda here kana kuti kwete nekuti mari yatiri kupihwa muhurumende haisi kukwana.”

Panyaya yekuti hurumende ingawanepi mari yekupa vakaremara ava, VaTendai Dimikira vesangano reICAST International, vati nyika ine zvicherwa zvakawanda. VaDimikira vati, “Tine zvicherwa zvinodarika makumi matanhatu nezvitanhatu saka pamari inowanikwa pakutengeswa kwazvo ngapatorwe chikamu chishandiswe kubatsira vanhu vakaremara pararamo yavo.”

Vamwewo vapinda mumusangano wanhasi vakurudzira VaNcube kuti vape Zimbabwe Anti - Corruption Commission mari yakawanda kuitira kuti ikwanise kurwisa huwori uhwo vati hwatekeshera nenyika yese.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vachishanda neDurban University of Technology, Muzvinafundo Gift Mugano, vati zviri pachena kuti mapazi ehutano, dzidzo nemaindasitiri anofanira kupiwa mari yakawanda asi vati gurukota rezvemari hariteereri zvinotaurwa neveruzhinji neparamende gore rega rega.

VaMugano vati, “Bhajeti yave kungoitwa setsika yatajaira asi hazvicharevi chinhu kwaakungotaura kuti vanhu vanofanira kutaura asi chinotorwa hapana saka tinoshaya kuti vanouuyirei kuvanhuvadii kungoita vari kuhofisi kwavo vongogadzira bhajeti ravo vongoita zvavanoda nekuti havatereri vanhu vanovataurira , paramende haina simba rekuvabvunza, gurukota rezvemari rinongoita zvarinoda.”

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba John Manyanya, vati misangano yekunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pebhajeti haina zvainobatsira nekuti gore rega hurumende haitivedzeri kana bhajeti rainenge yaronga pachayo.

VaManyanya vati, “Zvinoita kuti vanhu vashaye vimbo muzvirongwa zvehurumende, vanhu vanotanga kuona sekunge tiri kuita mahumbwe, nguva dzese tir kutamba nenguva dzevanhu.”

Vange vachitungamira musangano wanhasi muHarare, Seneta, Jerry Gotora, vati vafara nekuti vanhu vakawanda vapinda musangano uyu zvikuru sei vakaremara, uye vati zvabuda mumusangano uyu zvinogona kuendesa nyika mberi kana zvikatevedzwa.

Mugwaro ravo rinoratidza kuti bhajeti richange rakamira sei, reBudget Strategy Paper, iro rakaturwa kuparamende muna Chikunguru, VaNcube, vakazivisa kuti bhajeti ravo richakoshesa nyaya dzekukwezva vekunze kuzosima mari dzavo munyika, kutsigira mabasa ekurima nekugadzirwa kwezvinhu pamwe nekudzikamisa mari yemunyika.

Vakatiwo vanotarisira kuti hupfumi huchakura nezvikamu zvitanhu nezviga zvishanu kubva muzana sezvo nyika ichitarisira goho rakanaka nekuda kwemwaka unotarisirwa kunaya kwemvura yakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG