Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vatori venhau nemasangano anoshanda akazvimirira kuti varatidze chimiro chakanaka cheZimbabwe mubasa ravo, vachiti pane zvizhinji zvinoyemurika zvaitwa nehurumende yavo.
VaMnangagwa vataura mashoko aya nhasi kumarinda eNational Heroes’ Acre muHarare, uko kwanga kuchivigwa gamba renyika, mushakabvu Retired Colonel Tshinga Dube.
Mutungamiri wenyika vati kunyange hazvo Zimbabwe iri kurwiswa nezvinhu zvavasina kudoma, iri kushingaira kuti hupfumi hwenyika hukure, uye kuitira kuti vana veZimbabwe vagare zvakanaka.
Vatiwo masangano enhau nemasangano anoshanda akazvimirira anofanira kubata pamwechete nehurumende.
“Nyika yedu yakwanisa kumira yakasimba zvisinei nekuti variko vanoda kuiona yakagwadama. Ndinotenda ruzhinji rweZimbabwe nekuramba makatsigira nyika yenyu. Ndinokurudzira vemapepanhau nevemasangano anoshanda akazvimirira kuti vabatirane pamwe nehurumende mukutaurawo zvakanaka pamusoro penyika yedu.”
Mashoko emutungamiri wenyika aya anouya mushure mekunge vhiki radarika vakakomekedza dare reparamende kuti richimbidze kugadzira mitemo yagarisa mudare iri, inosanganisira mutemo unobata mashandiro emasangano anoshanda akazvimirira, wePrivate Voluntary Organisations Amendment Bill.
Vachitaura pamusoro pamushakabvu Col. Rtd. Tshinga Judge Dube, VaMnangagwa vati VaDube vaive munhu aisarova imbwa akaviga mupinyi, zvinove zvavati hunhu hwaiyemurika.
“VaDube vaitaura munonero wavo zvisinei nekuti vari kutaura nani kana kuti kupi. Vaitaura nemo-nemo. Ndinofunga kuti zvakanaka kuva nevanhu vakadai, vanotaura chokwadi, vasinei nekuti chichatambirwa sei.”
Asi mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vanoti masangano avanomirira pamwechete neayo enhau anoda chose kutaura zvakanaka pamusoro peZimbabwe, asi vakati zvekutaura zvakanaka ndizvo zvisipo.
“Tinodawo kutaura zvakanaka, uye hatidi kumboudzwa kuti tiite izvi. Isu tinongotaura zviripo chete. Iwo uyu mutemo uri kuuya, kuedza kunyaradza vanoshambadza mashoko pamwechete nesu nenyaya yekuti tinenge tichinzi tiri kutaura zvisingadiwi nehurumende.”
Vakamboshanda namushakabvu VaDube mubhodhi reNational Railways of Zimbabwe, uyewo vari sachigaro webhodhi iri, Advocate Mike Madiro, vati NRZ yarasikirwawo zvikuru nekushaya kwaVaDube.
“Takashanda zvakanaka chose naVaDube. Vaive munhu anga aine huchenjeri hwakapinza, uyewo vaisada zvekukakavadzana nevanhu. Taiti kana misangano yedu yava kupfuta moto, kuchikandirwana makobvu nematete, VaDube ndivo vaizova muyananisi. Munhu aiva nehunhu hwaiyemurika chose,” Advocate Madiro vanotsanangura.
Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, uyewo vari chipangamazano musangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vaudza Studio 7 kuti zvinoperera pamuromo chete zvataurwa naVaMnangagwa zvekuti ruzhinji rwusununguke kutaura pfungwa dzarwo sezvaiita mushakabvu VaDube.
“Vanotaura pfungwa dzavo tinoona vachisvika pakutyisidzirwa, kusungwa nekutandaniswa, saka tinoona kuti nyika ino ichiri nechinhambwe kuti vanhu vataure vakasununguka sezvaiita VaTshinga Dube, avo vakasiya vataura kuti vose vanoti VaMnangagwa vanofanira kuramba vari pachigaro kusvika muna 2030 vanoda kuongororwa mupfungwa. Kusununguka kwaiitwa naVaDube uku kukakwanisa kugamuchirika nyika inokwanisa kuenderera mberi nekuti vanhu vanenge vachidzorana.”
Col. Rtd. Tshinga Judge Dube, avo vaizivikanwa nezita rekuhondo rekuti “Cde Embassy,” vakashaya neChina chadarika kuchipatara cheMater Dei muBulawayo mushure mekurwara nechirwere cheitsvo. Vanga vane makore makumi masere nematatu ekuberekwa.
Forum