Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzirwa Kushanda neSimba Kuitira Kuzadzisa Shuviro Dzavo muHupenyu


VaTawanda Mlambo, vasingaoni vachishanda paMasvingo Hospital.
VaTawanda Mlambo, vasingaoni vachishanda paMasvingo Hospital.

Vakaremara vemunyika vari kukurudzirwa kushanda nesimba muzvidzidzo zvavo kuitira kuti vazoita mabasa avanoshuvira muhupenyu hwavo.

Kurudziro iyi iri kuitwa naVaTawanda Mlambo, avo vasingaoni asi vachiita basa rekubatsira vanenge vakuvara vachishandisa nzira dzekutamura miviri kunyanya avo vanotyoka mabhonzo munjodzi dzemumigwagwa, vanenge vaoma mitezo (stroke) pamwe nevanenge vonetseka nekutaura.

VaMlambo vanoshanda vari paMasvingo General Hospital, uye vave nemakore anosvika makumi maviri nemapfumbamwe vachiita basa iri, iro rinonzi Rehabilitation Technician kana kuti Physiotherapist, vachiti kusaona kwavo hakuna chakunovatadzisa pabasa ravo.

“Ndave nemakore 29 ndichishanda pano. Tinoita zve physiotherapy, occupational therapy ne speech therapy kune vanenge varwara kana vanenge vaita tsaona kumabhonzo.”

VaMlambo vanoti vanhu vakawanda vanoshamisika zvikuru kuti vanoita basa iri sei vasingaoni. Asi ivo vanoti vakadzidziswa zvikuru pachipatara cheMarondera General Hospital uko vakaita zvidzidzo zvebasa ravari kuita.

“Takadzidziswa. Pakudzidza kwatakaita tichishandisa maoko edu unopedzisira woziva kuti kana ruri ruoko runofamba so saka kana munhu akuvara unozomudzidzisa uchimuratidza zvinodiwa kuitwa.”

Vanoti pabasa ravo vanosanganawo nematambudziko ekuti vamwe varwere vakaona kuti havaoni vanogona kutadza kuve nevimbo yekuti vanokwanisa kubatsirwa navo asi vozotenda havo vave pakati pekubatsirwa nekufamba kwenguva.

VaMlambo vanoti kunze kwebasa ravo, vane munda wavakapuwawo pasi pechirongwa chehurumende chekugovera minda patsva uye vanorima nekuchengeta mombe nembudzi senzira yekuwedzera raramo yavo.

Chipatara cheMasvingo.
Chipatara cheMasvingo.

VaMlambo vane mudzimai wavo, Doctor Farisai Mlambo, avo vanodzidzisa paGreat Zimbabwe University kubazi reTeachers’ Development. avo vasingaoniwo, uye vaviri ava vane vana vana.

Mambo Chimbani Magudu, avo vasingaoniwo, vanokurudzirawo vamwe vakaremara kuti vaite saVaMlambo nemudzimai wavo vachiti hapana chinotadzisa.

“Varungu vanoti disability is not inability kureva kuti hapana chaunoda chinotadziswa nedisability. ”

Asi vamwe vadzidzi vakaremara vakaita saMuzvare Melody Gotoza, vanoti vanotadziswa kuzotevera mabasa avanoshuvira nekuti muzvikoro zvavanodzidza vanosarudzwa uye hamuna zvikanisiro zvekuti vadzidze zvakaenzana nevasina kuremara uye zvikoro zviri kure.

‘Tine zvigozhero zvekuti one kuchikoro kure 13 km saka ndinotadza kusvika kuchikoro sezvo hurema hwangu huri mumakumbo.”

Asi mutauriri webazi rezvedzidzo yepasi munyika, VaTaungana Ndoro, vanoti bazi ravo riri kuisa zvikwanisiro zvinodiwa nevakaremara kuitira kuti vabudirire muzvidzidzo vozoita mabasa emwoyo yavo.

“Sebazi redzidzo tinokoshesa chaizvo vana vakaremara kuita kuti vawane dzidzo yemhando yepamusoro. Tinoisa zvikwanisiro ma brail, ramp muzvikoro zvedu”

VaNdoro vanoti vana vakaremara vanofanirwa kuwana dzidzo yepamusoro kuitira kuti vazoita mabasa avanoshuvira.

Vanhu vakaremara munyika vanofungirwa kuti vanodarika mamirioni maviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG