Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zviuru Zviviri Vanorasikirwa neMidziyo muMoto Wakapisa Chikamu cheMusika weMbare


Vashandi vekanzuru yeHarare vachiedza kudzima moto wakapisa musika weMbare Musika.
Vashandi vekanzuru yeHarare vachiedza kudzima moto wakapisa musika weMbare Musika.

Vanhu vanopfuura zviuru zviviri vakarasikirwa nezvinhu zvavo zvekutengesa zvinopfuura mamiriyoni akawanda emadhora ekuAmerica zvichitevera moto wakapisa zvinhu izvi musi weChipiri husiku kuMbare Musika muHarare.

Kanzuru yeHarare inoti ichiri mubishi kudzima moto uyu uyewo nekutsvakurudza kuti moto uyu wakakonzerwa nei?

Mutauriri weguta reHarare, VaStanely Gama, vaudza Studio7 kuti vanhu vanopfuura zviuru zviviri vakarasikirwa nezvinhu munjodzi yemoto wemusi weChipiri kuMbare Musika muHarare.

Vatiwo zvinhu zvinopfuura mamiriyoni maviri emadhora eku America zvakaparadzwa mumoto uyu.

"Kwakatsva zvinhu zvinopfuura mamiriyoni mazhinji,” VaGama vanotsanangura.

Chikamu chemusika weMbare chaparadzwa nemoto.
Chikamu chemusika weMbare chaparadzwa nemoto.

Sachigaro wekomiti yezvemabhizimusi madiki mukanzuru yeHarare, kana kuti Chairperson of the Small and Medium Enterprises, VaWomberai Nhende, vati kanzura yeHarare ichatora matanho ekubatsira vatsvirwa nezvinhu kuti vagone kusimuka zvekare.

“Sekanzura yeHarare tichatora matanho ekusimudzira vaparadzirwa zvinhu nemoto kuti vagone kutangidza mabhizimusi uyewo tichirikuita tsvakurudzo kuti chii chakakonzera moto uyu,” VaNhende vachitaura kuStudio7.

Mumwe wevakatsvirwa nezvinhu pamusika, Amai Angela Matemera vati vapererwa zvikuru nekutsva kwakaita zvinhu zvavo vachiti ndipo pange paine raramo yavo nemhuri dzavo.

“Ndabatikana zvikuru chose. Iyezvino handizivi kuti achandipawo mari yekuhodha zvinhu ndiani. Tanga takatarisira pamusika iwoyu nemhuri yangu sezvo,” mazwi aMai Matemera kuStudio7.

Aka hakasi kekutanga musika weMbare uchitsva uye uchisiya vazhinji vasina cheekubata ukuwo kanzuru ichivimbisa kuti ichagadzirisa zvinhu asi ichikundikana kuita izvi..

Kutsva kwemisika muHarare inogara kuchiitika nguva zhinji kunyanya kumusika weGlenview 8 uku moto unogaro pisa zvinhu gore rega rega.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG