Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVafa muAmerica Nekuda kwe'Hurricane Milton' Hwotarisirwa Kuramba Huchiwedzera


.
.

Vanhu vanodarika gumi nevaviri vafa kusvika parizvino kuFlorida, muAmerica nekuda kwedutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti Hurricane Milton uye huwandu uhu hunogona kuwedzera.

Dutumupengo iri rakatanga kurova munzvimbo yeSiesta Key, pedyo neTampa neChitatu manheru risati radererera hukasha nhasi. Vanhu mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti ‘3,3 million’ vasara vasina magetsi.

Gavhuna weFlorida, VaRon DeSantis
Gavhuna weFlorida, VaRon DeSantis

Gavhuna wedunhu reFlorida VaRon DeSantis vaudza vatori venhau kuti vafara havo kuti dutumupengo nemafashamu zvazvosvika zvaderera hukasha asi vakati vachazoona nhasi mukupera kwezuva kuti rapadza dunhu ravo zvakadii.

Hurricane Milton
Hurricane Milton

Nhandare yechikwata cheTampa Bay Rays Baseball yange ichifanira kushandiswa nevari kubatsira vanhu munzvimbo iyi yakabviswa denga nemhepo. Vashandi zviuru gumi ndivo vange vachitarisirwa kuve vari munhandare iyi. Hapasati pazivikanwa hapo kuti pane vashandi vange varimo here pakatakurwa denga nemhepo.

Biden FEMA
Biden FEMA

Mutungamiri wenyika VaJoe Biden vachinyora padandemutande ravo reX vakurudzira vanhu kuti vagare mudzimba vachiti rubatsiro rwuri kuuya.

Vati, “Kune vose vawirwa nedambudziko reHurrican Milton: Ndinokukumbirai kuti mugare mudzimba kwete kupinda mumigwagwa.”

Vaenderera mberi vachiti, “Kune waya dzemagetsi dziri pasi, marara uye kuparadzwa kwemigwagwa kuri kuita kuti kubuda panze kugone kukonzera njodzi. Rubatsiro rwuri kuuya, asi kusvika rwauya, gara mumba makachengetedzeka kusvika vakuru vedunhu renyu vati mave kukwanisa kufamba pasina njodzi.” VaBiden vatiwo chabatsira inyaya yekuti vanhu vakateerera kurudziro yekuti vamboenda muhupoteri. Asi vayambira kuti kazhinji pakaitika dutumupengo nemafashamu, vanhu vakawanda vanofa zvapera vachidonherwa nemiti kana kugwinwa nemagetsi.

Zvichakadaro, panewo kukandirana makobvu nematete pakati paVaBiden nemutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vebato reDemocratic Party kune rimwe divi, uye vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump nemutevedzeri wavo VaJD Vance vebato reRepublican Party kune rimwe divi.

Election 2024
Election 2024

VaTrump naVaVance vari kuti VaBiden nesangano rinobatsira munguva yenjodzi reFederal Emmergency Management Agency havasi kuita zvakakwana kubatsira vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu iri.

Hurricane Milton Weather
Hurricane Milton Weather

Asi VaBiden naAmai Harris vari kuti VaTrump vari kureva nhema vachikanganisa basa rekubatsira vakawirwa netsaona.

Vachitaura neStudio 7, chimwe chizvarwa cheZimbabwe Doctor Gadziro Gwekwerere vekuOrlando, Florida vati vari kufara kuti dutumupengo nemafashamu zvinenge zvapfuura.

Vati vari pakachengetedzeka vachitiwo havasati vanzwa havo kuti pane zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvafa kana kukuvara nekuda kwemafashamu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG