Accessibility links

Breaking News

America Yobatsira Kuchengetedza Masvingo eGreat Zimbabwe


Mumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Pamela Tremont vari kuGreat Zimbabwe
Mumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Pamela Tremont vari kuGreat Zimbabwe

America yavimbisa kuramba ichibatsira Zimbabwe nemari ichashandiswa mukuchengetedza tsika nemagariro munyika kubudikidza nekuchengetedza nzvimbo dzakakosha dzinoshanyirwa neveruzhinji. Mashoko aya ataurwa nemumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont apo vashanyira Great Zimbabwe National Monuments nhasi.

Ambassador Tremont vati America icharamba ichibatsira Zimbabwe mukuvakiridza nzvimbo dzinokosha nemari yakaiswa parutivi, uye Great Zimbabwe National Monuments ndiyo yakawanamari yakawanda inodarika mazana mana nemakumi manomwe ezviuru zvemadhora ekuAmerica, kana kuti $470, 000.

Amai Tremont vatiwo nyika yavo yakabatsira Zimbabwe nemari inosvika mirioni yemadhora yekushandisa kugadzirisa nzvimbo dzekushanyirwa pasi pechirongwa cheAmbassador Self Help Grant munyika mose.

Vati “Takabatsira nyika nemari inopfuura mirioni uye yakawanda yacho yakashanda pano paGreat Zimbabwe kuti timutsidzire zvivakwa zviri pano saka ticharamba tichidaro”

Amai Tremont vati America ndiyo nyika inobatsira Zimbabwe nemari yakawanda kudarika dzimwe nyika dzepasi rose.

Vatiwo , “Ticharamba tichibatsira Zimbabwe mune zvekushanyira nekurwisa nzara iriko gore rino zvisinei nekushoropodzwa kwatinoitwa nenyaya dzezvirango zvehupfumi izvo zvakatemerwa vashoma shoma, ttichibatsira ruzhinji rwevanhu”.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya yekushoropodza nyika inovabatsira sezvo gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo yeStudio 7.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vati, “Tinotenda nerubatsrio rwavanotipa asi tinoti masanctions nagaabviswe masanctions hutsinye”

Asi Amai Tremont vati vanhu vari pazvirango zvemari vanhu gumi nemumwe chete uye vakaiswa pazvirango izvi nekuti vaiita huori pakufambiswa kwemari. Vatiwo Zimbabwe senyika haina kutemerwa zvirango, ndosaka nyika yavo ichibatsira Zimbabwe muzvinhu zvakawanda.

Amai Tremont vati chirongwa ichi chakakosha nekuti chinoita kuti tsika nemagariro evanhu vemuZimbabwe zvichengetedzwe kuitira kuti veruzhinji pasi rose vakwanise kuuuya kuzoona zvivakwa zvakaita semasvingo eZimbabwe.

Veruzhinji vanoda kuona zvivakwa izvi vanobhadhara madhora matatu ekuAmerica, vanobva kunyika dzekuEurope nedzimwe dzakabudirira vanobhadhariswa madhora gumi pamunhu.

Chirongwa chekuvandudza mudhuri weGreat Zimbabwe National Monument pamwe nekubvisa sora reLantana Camara chakatanga mugore re2018 uye chikapedzwa gore rapera.

Mushandi wepaGreat Zimbabwe National Monuments, VaJustin Magadzike, vati chirongwa chekugadziridza midhuri iyi chakaitawo kuti vagari vemunzvimbo vawane mabasa. VaMagadzike vati, “Veembassy vakabatsira kuvakiridza madziro amuri kuona ayo uye misha nezvimwe kuti zvirambe zvakamira sezvo zvimwe zvange zvakuwiswa nesora re'lantana camara' uye vakapa vagari vemuno mabasa”

VaMagadzire vatiwo , “Chirongwa ichi chiri kubatsira chaizvo nekuti vashanyi vari kuwanda, midhuri iyi ikaparara hapana anozoshanya kuuya kuzoona uye zvinopa mari nyika kana tichishanyirwa”

America, kuburikidza nebazi rayo rinobatsira pasi rose, reUnited States Agency for International Aid, kana kuti USAID, yabatsira Zimbabwe nemari inodarika mabhiriyoni mana emadhora ekuAmerica, mari zhinji ichishandiswa munyaya dzehutano pamwe nekutengera vanhu chikafu munguva yenzara.

Mwedzi wapera, America yakaparura zvakare chirongwa chekuchengetedza zvinyorwa zviri pamatombo kuMatopos.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG