Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopa Makanzura Makuva neMari Shoma Yekubatsirikana


Va Jacob Mafume
Va Jacob Mafume

Gurukota rinoona nezvematunhu VaDaniel Garwe vazivisa kuti mameya nemakanzura vawedzerwa mari dzekubatsirikana dzavanotambira pamwedzi kana kuti ma’allowances’.

Makanzura haatembiriswe mari yemuhoro pamwedzi. Mameya awedzerwa mari kubva pamadhora ekuAmerica makumi mana nemashanu kana kuti US$45 kusvika paUS$90. Makanzura awedzerwa kusvika pamadhora makumi manomwe nemashanu kana kuti US$75.

VaGarwe vaudza Studio 7 kuti vange vasina kusungunuka kupa divi ravo sezvo vange vachityaira motokari vakati tivatumire mibvunzo yedu.

Asi meya weguta reHarare VaJacob Mafume vaudza Studio 7 kuti mari iyi ndiyo inozopa kuti mamwe makanzura aite zvehuori. Izvi zvatsinhirwa nameya weBulawayo VaDavid Coltart padandemutande ravo reFacebook.

VaMafume vati, “Ikozvino vatiitira nyasha, vatipa makuwa, vati ivo, unopihwa guwa kana ukafa uri councilor. Saka naivowo pavaitipa mari idzi, vaitenge vaine tarisiro yekuti mari iyi inenge iri shoma zvekuti munhu achakurumidz kufa.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG