Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana


Vamwe vagari vekuMbire mudunhu reMashonaland Central vanoti vave kurarama nekudya michero yemisango yakaita semasawu sezvo zvekudya zvavari kupihwa nehurumende pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira zvisiri kukwana.

Mumwe mugari wekuMbire mudunhu reMashonaland Central, Amai Helen Mufundisi, vanoti sezvo chikafu chiri chishoma, vave kutoraramawo nemichero yemusango yakaita semawuyu ayo akawanda munguva ino. Vati, “Tave kutorarama nemasawu ayo tinodzvura topa vana mangwanani vakamiririra kuzodya sadza masikati.” Vaenderera mberi vachiti, “Kurarama nekuti hapana zvekuita, tinotopedzisira tave kurwadziwa nemudumbu nemasawu.

Amai Mufundisi vanoti nzara yakatarisana nevanhu vemudunhu ravo iri kunyanya kurwadza madzimai nevana.

Vati chikafu chavari kupihwa chemakirogiramu manomwe nechidimu pamunhu pamwedzi, chishoma zvikuru. Vati, “Mararamiro ari kuita vanhu gore rino munharaunda medu akaoma, mune nzara.” Vaenderera mberi vachiti, “Tiri kupihwa zvedu chikafu asi hachisi kukwana. Kunyanya madzimai nevana vari kushungurudzika zvikuru.”

Mumwe mugari wekuMbire muWadhi 3 kuKanonga pamuganhu weZimbabwe neMozambique, Amai Loveness Guvheya, vanoti vave kudya kamwechete pazuva sezvo chibage chavari kupihwa chiri chishoma. Amai Guvheya vati, “Tinodya kamwechete pazuva nekuti kudya kwatiri kuita kutorarama nekusunza nekuti zvekudya zvatinopihwa hazvisi kukwana.”

Amai Guvheya vanoti pachibage chavanopihwa vanotanga kubvisa garoni rekugaisa sezvo vanenge vasina dhora rimwechete rekuAmerica rekubhadhara kugaisa vozosiya chimwe chibage chekuita mangayi evana kuchikoro.

Sabhuku wemubhuku rekwaKanonga, VaRemigio Kazuru vanoti nzara yapfunya chisero mudunhu mavo zvave kuita kuti vagari vatengese zvipfuwo zvavo zvakaita semombe nemari shoma kuti vawane mari yekutenga zvekudya. Vati, “Vanhu vave kutengesa mombe dzavo nemari shoma kuti vatenge zvekudya.”

Mukuru musangano reNational AIDS Council mudunhu reMbire, VaWisdom Chizhanje, vanoti nzara yave kukanganisa vanhu vanenge vari pachirongwa chekunwa mapiritsi anodzikisa hukasha hweHIV/AIDS. VaChizhanje vati, “Mapiritsi evanhu vari pachirongwa cheHIV/AIDS anoda munhu adya kuti anyatsoshanda.”

Ishe Ngezi, VaPeter Pasipamire, vemudunhu reMashonaland West vanoti kubva nguva yakare kana kuine nzara, Mwari vanoita kuti kuve nemichero inoraramisa vanhu yakaita semasawu, mawuyu, hacha pamwe nezvimwe zvakaita semhashu zvichienderana nenzvimbo.

Kunyangwe vanhu vari kuti chibage chavari kupihwa chishoma, mutauriri webazi rinoona nezve kuchengetwa kwakanaka kwevanhu munyika, Muzvare Respect Chofamba, vanoti chibage makirogiramu manomwe nechidimu pamunhu pamwedzi chakatarwa neFood and Nutrition Council iri mubazi rezvehutano vachiti chinofanirwa kukwana sezvo chakatarwa nanamazvikokota vezvekudya zvinovaka muviri.


Munyika mune nzara nekuda kwemvura isina kunaya zvakanaka zvichikonzerwa ne EL Nino. Sangano re World Food Program rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara munyika, uye vanoda rubatsiro kusvika muna Kurume gore rinouya. Hurumende inoti vanoda rubatsiro vanodarika mamiriyoni mapfumbamwe.

Sangano iri rinoti zviri kukonzera nzara zvinosanganisira kushanduka kwemamiriro ekunze, hurombo, HIV/AIDS pamwe nekushaikwa kwemabasa.

Asi hurumende yakazivisa svondo rapera kuti hapana munhu achafa nenzara sezvo paine hurongwa hwekubatsira munhu wese ane nzara munyika.

Asi vanhu vakaita saAmai Mufundiisi vekuMbire vanoti vacharamba vachiyaura nenzara nekuti chikafu chavari kupihwa chishoma.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG