Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveMitambo Votadza Kuwana Chouviri neKuda kweKuoma kweHupfumi


Music Instruments
Music Instruments

Vanoita zvemitambo vakawanda vanoti mabasa avo haana kubudirira gore rino nepamusana pekuoma kwezvinhu munyaya dzehupfumi. Asi vamwe vashoma vanoti vakabatsirwa nemikana yavakawana gore rino munyika nekunze.

Muimbi wemusambo weMbira, Chiwoneso Rutsito, anoti gore ra2024 range rakaoma zvekuti akatombofunga zvekusiya magitare asi akaramba akatsungirira.

Rutsito ati, "Ini kuramba ndimire nemagitare zvingori zvenharo nekuti pamwe pacho mikana chaiyo inenge isipo kuti tienderere mberi nebasa redu"

Mumwe muimbi wemusambo weAfro-fusion, Ken Wahmambo, anotiwo dambudziko rekushaya mari yekutsikisa madambarefu, kuita mavhidhiyo, kuita mashowo kunzvimbo dzine veruzhinji, rakamutadzisa kuita shuviro yake asi anovimba kuti zvinhu zvichagadzikana nekupindana kwenguva.

Wahmambo vati, "Pamwe pacho tinenge tichida kugadzira mavhidhiyo ane hunyanzvi asi pamwe pacho tinozotadza nekuti mari dzacho dzekuti tizviite dzinenge dzisipo, uyewo kutsvaka nzvimbo dzakati kurei kuti tiite mashowa edu asi tinovimba kuti 2025 rinenge riri nane kudarika 2024 uno"

Asi muimbi achiri kusimukira, Mary Anibal, anoti akakwanisawo kusimudzira mimhanzi yake kuburikidza nemikana yekusheedzwa kunze kwenyika achindoimba ari ikoko pamwe nekuimba munyika kumagungano akaita seOliver Mtukudzi International Festval of the Arts. Ati, "Naizvozvo mukati mebasa rangu rekuimba chinova chinhu chikuru chandakawana uye ndinovimba kuti ndiwo ave mavambo ezvimwe zvakawanda zvichauya mukati mebasa rangu" mashoko aAnibal

Mwanakomana wemushakabvu Bob Nyabinde, Agga Nyabinde uyo anoimba musambo weJazz anotiwo kunyange hazvo zvinhu zvange zvakaoma gore rino, akawanawo mikana yekuridza pamakungano makuru achidzidzawo nekuyanana nevamwe vaimbi izvo zvaanoti zvakamubatsira.

"Zvinhu zvinodakadza kuti munowaniswa mukana wekusangana sevaimbi uchitoona kuti apa ndingatodzidzawo kubva kune uyu pane zvaanoziva zvandinenge ndisingazive" Nyabinde audza Studio 7.

Nyanzvi inoongorora zvemitambo ichidzidzisa zvemitambo paUniversity of Zimbabwe, Professor Kelvin Chikonzo, vanoti veruzhinji havana mari uye havakwanise kuenda kumitambo kana hupfumi hwenyika husina kumira zvakanaka. Vanotiwo kushaikwa kwemari kunokanganisawo hunyanzvi pakugadzirwa kwezvemitambo.

VaChikozo, "Zvimwe zvacho zvinogadzirwa hazvichaitwe nehunyanzvi chaihwo asi chinoshamisa ndechekuti vanoonawo vacho havana basa nazvo vanongoti chero vaseka, zvese izvi inyaya yekuti mari munenge musina munyika"

Imwe nyanzvi inoongorora nezvehupfumi yakazvimirira ichishandawo nesangano reCenter for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vaudzawo Studio 7 kuti kuondomoka kwehupfumi ndiwo mongo wezvose zviri kuvhiringa budiriro munyaya dzemitambo. VaKuchera vati, "Chinangwa chinenge chave chekurarama. " Vaenderera mberi vachiti, "Zvemafaro nezvimwewo zvakadaro zvinechekuita nemitambo, vanhu vanenge vasisina mari yekuzoita izvozvo nekuti inenge yaperera mukurwisana nekuda kurarama" VaKuchera vanopa maonero avo.

Mukuru weNational Arts Council of Zimbabwe VaNapoleon Nyanhi vanoti hurumende kuburikidza nesangano ravo iri kuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nevanoita zvemitambo.

VaNyanhi vati, "Isu seNational Arts Council of Zimbabwe donzvo redu kuona kuti munhu wese anoita zvemitambo awana pundutso kubva mubasa raanoita"

Mushandi mukuru muhofisi inoona nezvebudiriro yezvemitambo mubazi rezvemitambo, Dr Biggie Samwanda, vanoti hurumende iri kushanda zvakasimba iine chinangwa chekuvandudza zviri kuitika munyaya dzezvemitambo pamwe nekuwanisa vatambi mikana yekusimudzira mabasa avo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinowirirana kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi munyika ndiko kwakaita kuti mitambo mikuru yairemekedzwa pasi rese yakaita seHarare International Festival of the Arts kana kuti (HIFA) igwadame.

Kudzamara izvi zvagadziriswa, vanhu vava kukwanisa kuwana mari dzekubhadhara kuti vaone mitambo, vakawanda vakaita saWahmambo naRutsito vacharamba vachingochema chema nekuomerwa nehupenyu, izvo zvinozogona kuvamanikidza kuti vasiye mabasa avo vachinotsvaga mamwe mabasa ane mafuro manyoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG