Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reMwanasikana, reInternational Day of the Girl Child


International Day of the Girl Child izuva rinokurudzirwa kukoshesa mwanasikana.
International Day of the Girl Child izuva rinokurudzirwa kukoshesa mwanasikana.

Pasi rose neChishanu racherechedza zuva remwanasikana, kana kuti International Day of The Girl Child, sangano reUnited Nations richiti vanasikana vanhasi vari kukanganiswa nezvakawanda.

Zvimhingamipinyi izvi zvinosanganisira matambudziko ekushanduka kwemamiriro ekunzu ari kubata pasi rose, kurwisana, hurombo nekudzoserwa shure kwekodzero dzavo pamwe nekushaiswa mikana yakaenzana.

United Nations inoti vanasikana vakawanda vachiri kunyimwa kodzero dzavo, kurambidzwa kuita zvavanosarudza muhupenyu nekuganhurirwa remangwana ravo.

MuZimbabwe hurumende iri kukurudzirwa nemukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanasikana reShamwari yeMwanasikana, Amai Ekenia Chifamba, kuti inone kuti yazadzisa zviga zviri muma Sustainable Development Goals zvinosumudzira vanasikana zvazadziswa, izvo zvakatarwa neUnited Nations.

United Nations muna 2011 yakatara zuva remwanasikana musi wa 11 Gumiguru senzira yekusimudzira dzidziso pamusoro peraramo yemwanasikana mupasi rose.

Zuva iri rinoyeuchidzawo veruzhinji kuti mwanasikana wese ane mukana wekuita zvikuru kana akatsigirwa muzvidzidzo zvake, kana akakosheswa uye kana kodzero dzake dzakaremekedzwa.

Dingindira rezuva iri gore rino rinoti “Girls’ Vision For The Future,” uye rinokurudzira kuvhurwa kwemikana yedzidzo nehutungamiri kuvanasikana vanodarika bhiriyoni imwechete mupasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG