Accessibility links

Breaking News

Dhora rekuAmerica Rotenga MaZiG Makumi Mashanu US$1: 50 ZiG


ZiG
ZiG

Mari yemunyika yeZimbabwe Gold kana kuti ZiG iri kuramba ichishaya simba zvakanyanya zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Nhasi kune dzimwe nzvimbo, dhora rekuAmerica rimwe chete range richitenga maZiG ari pakati pemakumi mana nemashanu kusvika pamakumi mashanu kana kuti US$1 to 45 ZiG kana 50ZiG.

Asi kuRBZ, maZig makumi maviri nematanhatu kana kuti 26ZWG kudhora rimwe chete rekuAmerica kana kuti US$1: 26, 3672.

Asi gavhuna weRBZ VaJohn Mushayavanhu vakaudza vatori venhau kuti vane chivimbo ichi kuti dhora iri richasimba zvakare sezvo vari kutora matanho. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Eddie Mahembe vanoti vanhu havachina chivimbo nevakuru veRBZ zvopa kuti dhora rirambe richishaya simba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vaudza Studio 7 kuti ZiG rinokwanisa kudzikamiswa pakatevedzerwa matanho akatarwa nebhanga guru renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG