Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana nePasi Rose muKucherechedza Zuva reMadzimai ekuMaruwa


Amai Sally Ncube vesangano reEquality Now.
Amai Sally Ncube vesangano reEquality Now.

Madzimai emuZimbabwe abatana nemamwe madzimai pasi rose mukucherechedza zuva remadzimai ekumaruwa, reInternational Day of Rural Women, iro rinocherechedza mabasa anoitwa nemadzimai nevanasikana vekumaruwa munyaya dzehutano, dzekurima, dzekuchengetedzwa kwechikafu pamwe nedzebudiriro yekumaruwa.

Asi zuva iri rauya panguva iyo madzimai nevanasikana vari kumaruwa vari kutarisana nematambudziko ari kukonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze akaita senzara nekushayikwa kwemvura yakachena mumatunhu mazhinji emunyika, izvo zvinonzi zviri kumanikidza madzimai kufamba nzendo ndefu kunotsvaga chikafu pamwe nemvura.

Vanomirira sangano rinorwira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, reEquality Now, Amai Sally Ncube, vanoti vacherechedza zuva iri kuburikidza nehurukuro dzavanga vachiita semasangano anomirira kodzero dzemadzimai pasi rose vakanangana nenyaya yezvisungo zviripo zvakaiswa nedzihurumende dzakasiyanasiyana kuti kuve nekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

“Saka takatarisa kubva mumwedzi wapfuura kwakange kuine musangano wepasi rose waiwe wakanangana nekuti pave nechibvumirano chakatarisana nekuti muhupenyu hwevanhukadzi, zvikuru sei madzimai anogara mumaruwa, tatarisa kumberi zvii zvingaitwa nenyika dzese kuti pave nemubatira pamwe kuti hupenyu hwemadzimai ari kumaruwa huendeke panyaya dzehupfumi kuti vakwanisewo kuwana zvikwanisiro, minda, uye kuti vave vanokosheswa hunyanzvi hwavo,” Amai Ncube vanodaro.

Madzimai mazhinji ekumaruwa ndiwo anotamburira mhuri kuwana zvekudya nemvura yekunwa.
Madzimai mazhinji ekumaruwa ndiwo anotamburira mhuri kuwana zvekudya nemvura yekunwa.

Vanoti pasi rose kusanganisira muZimbabwe kune chisungo chekukoshesa vanhukadzi vanogara kumaruwa nekunzwisisa kuti ndivo vane bandiko rekuti kukwanisa kuve nebudiriro ine pundutso.

“Kudya kuzhinji kunorimwa kumaruwa. Kuti mhuri dzinge dzakasimba kubva mukudzidzisana tsika nemagariro, uye kuti tingotarisa hupenyu hwemunhu sevanhu vedu vechitema, kuti ungonzi uri munhu akadzikama, zvinhu zvako zviri kukufambira, tinoona kuti madzimai ekumaruwa ndiwo akabata kuti nyika dzedu dziendeke.”

Zuva remadzimai ekumaruwa rakatarwa neUnited Nations muna 2007 kuti richerechedzwa musi wa 15 Gumiguru gore roga roga nechinangwa chekuburitsa pachena danho nemararamiro emadzimai ekumaruwa. Sangano re World Health Organisation rinoti madzimai ekumaruwa anoumba zvikamu makumi maviri nezviri kubva muzana kana kuti 22 percent zvehuwandu hwevanhu pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG