Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro


Munyika maita gakava guru padanho rehurumende rekuda kupa magwaro vashoma vakapihwa mapurazi ehurumende akatorwa kuvachena kuti vakwanise kuashandisa sechibatiso kuti vapihwe zvikwereti kumabhanga.

Gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vanoti kuita izvi kunosimudzira hupfumi munyika sezvo kurima kwakakosha kuchidawo mari. Hurumende inotiwo zvairi kuda kuita izvi zvichabatsira vakarwa hondo, vechidiki nemadzimai.

Asi vanhu ava vane chavachawana here? Mukuru wesangano rinomirira varimi vechidiki, reYoung Farmers Trust, Josephat Tanga, anoti chirongwa chehurumende ichi chakanaka chose. Ati, "Dzimwe nguva vechidiki vanozengurira kupinda muzvirongwa zvehurumende nekuda kwekushaya ruzivo, kana kungofunga kuti ndezvevanhu vakuru.”

Aenderera mberi achiti, “Asi nekuti tiri kuona vachitambira zvimwe zvirongwa zvakafanana nezvekurima hove, kurima mombe, nezvimwe, zvakakosha kuti vechidiki vawaniswewo minda. Ndinokurudzirawo vamwe vangu kuti vasanyanye kuda minda yakakurisa, asi ngavashande padiki pavanokwanisa, isu tovabatsira kutsvaga zvikwanisiro."

Asi mutungamiri weBankers Association of Zimbabwe VaLawrence Nyazema vakaudza bepanhau reNewsday kuti kupa varimi magwaro aya kwakakosha asi hakurevi kuti murimi anenge ongoenda kunotora chikwereti. Vakati murimi anofamira kunge aine mazano ekuti anokwanisa kuwama chouviri pamari yaanenge akwereta yaco asati aipihwa.

Vamwe vakaita senyanzvi munyaya dzezvemagariro evanhu VaTendai Reuben Mbofana vanoshanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice vakanyorawo gwaro vachiti zviri kuda kuitwa nehurumende zvekuti minda ishandiswe sechibatiso nevarimi zvinotyora bumbiro remitemo sezvo ivhu rose riri pasi pehurumende.

Wechidiki anotungamira sangano reYoung Farmers Association, Baldwin Mazango, anoti hake anofara nedanho riri kuda kutorwa nehurumende.

"Zvakanakira kuti tave kukwanisa kuendawo kumabhanga tichinobatsirwa ikoko, zvinoita kuti pakurima tikwanise kuronga mhando yemarimiro atinoda.” Mazango Audra Studio 7. Atiwo, “Zvinoitawo kuti tikwanise kushandidzana isu sevarimi pachedu. Kana munhu uchiziva kuti munda ndewako, unokaanisawo kusima mari nezvimwe zvakawanda ipapo, uchiziva kuti inhaka kunyange yevana."

Asi wechidiki anorima ari kuChegutu Rumbidzai Matonga anoti rwendo rwuno, dai hurumende ikasabata vechidiki kumeso. Ati, "Pakagoverwa minda, vechidiki vashoma ndivo vakakwanisa kuwana minda iyi.” Aenderera mberi achiti, “Kuchizoti panoitwa zvirongwa zvekupiwa zvikwanisiro zvekurimisa, tinoona vechidiki vachisiiwa zvekare. Rimwe dambudziko nderekuti panotaurwa zvevechidiki, asi unogona kuwana munhu ane makore makumi mashanu, achiwana zvikwanisiro zvevechidiki. Regai tione kuti hurumende iripo iyi ichazvigadzirisa sei panyaya yemapepa eminda iyi."

Sangano rinoita nezvekurima, reZimbabwe Land and Agrarian Network, rinoti vechidiki vane minda yavakapiwa nehurumende kubva pakaitwa hondo yeminda, havadariki zvikamu makumi maviri kubva muzana (20%).

Vechidiki vemubato reZanu PF vakatombonyunyuta mugore ra2021, kubazi rezvekurima neminda, vachiti vechidiki vaishaiswa mikana yekuwanawo minda, kuchiwaniswa vakuru chete.

Studio 7 yaedza kubata munyori mubazi rezvekurima neminda, VaObert Jiri, asi vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira, tisati taenda pamhepo.

Asi gurukota rinoona nezvekurima, VaAnxious Masuka vakamboudza gungano revarimi vefodya kuti bazi ravo richaenderera mberi nekutora minda isiri kushandiswa, ichipiwa kune avo vane zvikwanisiro. Doctor Masuku vakati, “Iriko minda yatiri kuona isiri kushandiswa nemazvo, imwe isiri kutoshanda zvachose.” Vakawedzera vachiti, “Tichaitora yese toigovera patsva. Ndinokurudzira varimi kuti vabatane, vaunganidze zvikwanisiro zvavo zvekurima, kuti mabhindauko avo abudirire. Asi isu sehurumende hatisi kumira kutsigira varimi vese, nekuti ndivo vanoita kuti nyika yedu igute"

Mukuru wesangano rinoshanda nevechidiki vakapedza zvidzidzo zvavo zvepamusoro mune zvekurima, reCoalition of Agricultural Graduates of Zimbabwe, VaDickson Kubvakacha, vanoti hurumende ngaisakurumidza yamedza kutsenga kuchada, panyaya yekubuditsa magwaro anowanisa varimi mukana wekukwereta kumabhanga.

"Hurumende inoziva kuti dambudziko riripo nderekuti kunyange vakataura kuti kwava negwaro rakadai, vasina kutaura nemabhanga acho, varimi havana chavanowana.” VaKubvakacha vaudza Studio 7.

Vatiwo, “Ngaitange yakurukura nevemabhanga, kana vawirirana, yozouya kuvarimi ichivazivisa kuti vave kukwanisa kunotora zvikwereti pasina dambudziko. Ikozvino mabhanga anoramba kupa varimi zvikwereti nenyaya yekuti bumbiro remitemo rinoti ivhu rese ndere hurumende, naizvozvo havangapi munhu mari, anogona kufuma atorerwa munda wake nehurumende."

Nyaya yemagwaro eminda anokwanisa kutambirwa nemabhanga yava nemakore ichitaurwa asi isingagadziriswi. Mugore ra2018, hurumende yakati vese vayakapa tsamba dzeminda, vainge vokwanisa kunotora zvikwereti kumabhabga, asi mabhanga akazviramba izvi.

Asi bumbiro remitemo rinotemera kuti vechidiki vawaniswe minda inosvika chikamu makumi maviri kubva muzana, mumatunhu ese enyika.

Rwendo rwuno, totenda maruva tadya chakata, vari kudaro vechidiki.

Forum

XS
SM
MD
LG