Accessibility links

Breaking News

VaTimba neVamwe veCCC Vave neMwedzi Mina Vari Mutirongo


Mutungamiri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba nedzimwe nhengo dzebato ravo vasvitsa mwedzi mina vari mutirongo vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechbatiso.


VaTimba nevamwe vavo vakasungwa kuAvondale muHarare musi wa16 Chikumi vachipomerwa mhosva yekuda kupesvedzera mhirizhonga.

Asi ivo vari kuramba mhosva iyi vachiti vaingoda kucherechedza zuva remwana weAfrica kana kuti International Day of the African Child.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hurumende haipindire munyaya dzezvekumatare.

Asi rinwe gweta raVaTimba vari nhengo yeCCC VaAgency Gumbo avo vati zviri kuitwa kunyima vanhu ava mukana wekubvisa mari yechibatiso zviri kukonzerwa nebato riri kutonga reZanu-PF rinoda kumbunyikidza vanopikisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muna to reZanu-PF VaFarai Marapira varamba kuti bato ravo rinopindira mune zvinemge zvichiitika kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG