Accessibility links

Breaking News

Amai Harris naVaTrump Vodzokera kuDunhu Rakakosha rePennsylvania


FILE - This combination of photos shows Vice President Kamala Harris, left, on Aug. 7, 2024 and Republican presidential candidate former President Donald Trump on July 31, 2024.
FILE - This combination of photos shows Vice President Kamala Harris, left, on Aug. 7, 2024 and Republican presidential candidate former President Donald Trump on July 31, 2024.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Kamala Harris nevaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vari kudzokera zvekare kunotsvaga rutsigiro mudunhu rePennsylvania nemusi weMuvhuro.

Amai Harris vanenge vari munzvimbo yeErie, VaTrump vari muPhiladelphia.

Aka kave kechigumi Amai Harris vachienda kunotsvaga rutsigiro mudunhu iri.

Svondo rapera VaTrump vakaenda kaviri mudunhu iri kuScranton neReading.

Vanhu vanoda kutumira mavhoti avo vatotanga kuita izvi pamberi pezuva chairo resarudzo remusi wa5 Mbudzi.

Vanhu vanosvika mamiroyoni manomwe vari kutarisirwa kuvhota vari kumba voita zvekutumira mavhoti kana kuti ‘postal voting’

Muna 2016, VaTrump vakakunda Amai Hillary Clinton nemavhoti zviuru makumi mana kana kuti 40,000 vachibva vakunda musarudzo. Asi muna 2020, mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakakunda VaTrump nemavhoti zviuru makumi masere kana kuti 80,000 vachibva vaendawo kuWhite House.

Pennsylvania ine mavhoti gumi nemapfumbamwe kana kuti ‘19 electoral votes’ anova akawanda kudarika mamwe matunhu mashoma akakosha musarudzo yemutungamiri wenyika yeAmerica. Mamwe matunhu akakosha anosanganisira Michigan, Wisconsin, Nort Carolina, Georgia, Arizona nemamwe.

Forum

XS
SM
MD
LG