Accessibility links

Breaking News

Senate Yapasisa Bhiri rePVO Rinonzi Richaomesera Masangano Akazvimiririra Oga


Dare reSenate rapasisa bhiri rinoona nezvemashandiro emasangano akazvimirira oga kana kuti Private Voluntary Organization- PVO Bill nhasi. Bhiri iri rinonzi rangotambirwa nedare iri pasina kana kumboitwa gakava sezvinowanzotarisirwa.

Richadzoserwa kudare reNational Assembly roverengwa kechitatu nekekupedzisira zvinozopa kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakangoisa runyoro rwavo unenge watove mutemo.

Bhiri iri range richishorwa neUnited Nations uye masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seemunyika akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights, Zimrights, Crisis Coalition in Zimbabwe uye mamwe ekunze akaita seAmnesty International, Human Rights Watch nemamwe.

Masangano aya anoti bhiri iri rikava mutemo richakanganisa zvakanyanya mashandiro avo sezvo panenge pave nekupindira zvakanyanya kwehurumende. Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti mutemo uyu ucharanga masangano akazvimirira oga anoita zvematongerwo enyika achisiyana nezvekubatsira vanhu.

Vanotiwo vari kuda kuti masangano aya asashandiswe mukufambisa mari dzehutororo nezvimwe kana kuti “money laundering”.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanoshanda nesangano reAll Hands on Justice vanoti bhiri iri rikava mutemo richapa kuti varombo vanobatsirwa nemasangano akazvimirira oga vatonyanya kunonga svosve nemuromo. Vati richawedzerawo kumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG