Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Peace Project raburitsa gwaro riri kuti vamwe vanopikisa vari kunyimwa zvekudya kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vachaona kuti hakuna munhu anyimwa zvekudya nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika.
Mugwaro raGunyana kana kuti ‘ZPP Monthly Monitoring Report -September 2024’, sangano iri rati vanhu makumi masere vevashanu vakanyimwa chikafu uye zvekurimisa pasi pechirongwa chePfumvudza nemadzishe nemasabhuku.
Vakanyimwa ava vari kuward 8 Vungu, Mwenezi North, Ward 4 Kraal Head Chitemere of Village 2.
Vamwe vanhu vari kunzi vari kushandiswa zvechibharo sezvaiitwa munguva yeRhodesia kuti vawane zvekudya.
Vanenge vatadza kushandira chikafu vanobhadhariswa dhora rimwe chete rekuAmerica.
Izvi zvinonzi zviri kuitika kuVungu, Midlands, Masvingo North, Bikita East, Gutu Central, Mutare North nedzimwe nzvimbo.
ZPP yakurudzira dare reparamende nebazi rezvemagariro evanhu kuti vaferefete Nyaya idzi uye kuona kuti pakupihwa vanhu zvekudya hapaitwe zvematongero enyika. Asi munyori mukuru mubazi rezvemagariro evanhu VaSimon Masanga vati vange vasina kusungunuka kutaura sezvo vange vachityaira.
Hurumende inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mapfumbamwe valkatarisana nenzara inotyi munyika yakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura.
Forum