Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoti Kurwira Masimba Kuri muZNLWVA Kuri Kubva Pakuti VaMnangagwa Vatonge Kusvika 2030


Vamwe vevaitungamira sangano revakarwa hondo reZNLWVA.
Vamwe vevaitungamira sangano revakarwa hondo reZNLWVA.

Makakatanwa ekurwira hutungamiri hwesangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, ari kuenderera mberi kunyange hazvo sangano iri rakaita musangano mukuru wekongiresi neMugovera wapera kuGweru.

Musangano uyu wakaona hutungamiri hutsva hwaVaCephas Ncube huchisarudzwa, danho rakafungidzirwa nevamwe kuti zvimwe raigona kuunza runyararo musangano iri, asi izvi hazvina kuitika.

VaNcube vavakunda vamwe vatatu vanosanganisira VaChris Mutsvangwa, avo vakanga vatungamira sangano iri kwemakore gumi nerimwe kubva muna 2013.

Chikwata chaVaMutsvangwa ndicho chakashevedzera musangano uyu, asi guruva risati rambogadzikana, chimwe chikwata chiri kurwira hutungamiri chiri kutungamirirwa naVaEthan Mathibela chakatobuda pachena chichiti hachisi kutambira musangano uyu pamwechete nezvakabuda mumusangano uyu.

VaMathibela vakaudza Studio 7 neChitatu kuti musangano uyu wakaitwa zviri kunze kwemutemo uye nhengo dzese hadzina kuziviswa.

Vakatiwo musangno uyu wakazvidza mutongo wedare wairambidza kuti chimwe chikwata chiite sekunge ndicho chiri kutungamira sangano iri, vachiti dare rakati zvikwata izvi zvaifanirwa kugara pasi musi wa 21 Gumiguru asati asvika zvobuda nechisungo chimwechete.

VaChris Mutsvangwa
VaChris Mutsvangwa

Paive nezvikwata zvitatu zvevakarwa hondo yerusununguko zvakanga zvichirwira hutungamiri, chechitatu chichitungamirirwa naVaMoffat Marashwa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru anoona nezvezvirongwa musangano rinorwira kugara zvakanaka kwevanhu reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti zviri kuitika musangano revakarwa hondo iri mucherechedzo wekusagadzikana kuri mubato reZanu PF.

VaMbofana vanoti kurwisana uku kuri kukonzerwa nekurudziro yekuti mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika VaEmmeroson Mnangagwa varambe vari pachigaro kusvika 2030 iri kubva kune vamwe mubato iri, vachiti izvi zvatsemura bmapoka ose eZanu PF nepakati.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari gweta uye vari nhengo yeZanu PF, VaMasimba Mavaza, vanoti zvekukakavadzana mumasangano hazvisi zvitsva sezvo pese pane sarudzo pachirwirwa zvigaro.

Doctor Mavaza vanoti muenzaniso waVaMbofana wekuti makakatanwa aya ari kubva kune zviri kuitika muZanu PF manyepo nekuti hakuna kutsemuka kana kutsemurana kuri kuitika muZanu PF, umo vanoti zvinhu zvese zvakagadzikana semvura yeguvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG