Accessibility links

Breaking News

Russia Yodzidzisa VanaChiremba Vanosungunutsa Madzimai muZimbabwe


VaVladimir Putin naVaEmmerson Mnangagwa
VaVladimir Putin naVaEmmerson Mnangagwa

Vanachiremba nevakoti makumi maviri nevatatu (23) nhasi vapedza zvidzidzo zvakanangana nekuderedza huwandu hwemadzimai anofa akazvitakura pakuzvara. Zvidzidzo izvi zvange zvichikokerwa nenyanzvi dzehutano dzekuRussia.

Zvidzidzo izvi zvaitwa kwemazuva mana munyika zvichikokerwa nenyanzvi dzehutano dzakabva kuchipatara chekuRussia cheKulakov National Medical Research Centre.

Gurukota rezvehutano munyika, Dr Douglas Mombeshora vati dzambudziko rekufa kwemadzimai akazvitakura panguva dzekusununguka richakakura munyika ndosaka vakakumbira Russia kuti ipe zvidzidzo izvi.

Dr Mombeshora vati, “Takakumbirana kuti ngatibatsiranei mukuona kuti tingadzikise sei kufa kwaana amai vanenge vakazvitakura kana kuti vanenge vaakunozvara.”

Vatiwo, “Kune madzimai akazvitakura, BP inenge yakakwira inogona kuvauraya vasati vasvika pakusununguka, kana kutourayawo mwana wacho. Saka zvinhu zvakanaka kuti vashandi vedu vehutano varambe vachidzidza kuti zvingadzivirirwe sei. Uyezve pakusununguka pane zvinhu zvinonyanyouraya madzimai edu zvakaita sekurasikirwa neropa rakawanda.”

Vatiwo zvidzidzo izvi zvakakosha nekuti zvapindwa nevanhu vanobva kumatunhu ese munyika uye vachakwanisa kubatsira vamwe kwavabva.

VaMombeshora vatiwo shuviro yeZimbabwe ndeye kuti huwandu hwemadzimai anoshaya pakuzvara hudzike kuve pasi pemadzimai makumi manomwe (70) anofa pavanhu zana rezviuru (100 000). Asi vati Zimbabwe iri kutadza kuita izvi nekuda kwezvinhu zvakawanda zvinosanganiisira kusamira zvakanaka kwehupfumi.

Dr Mombeshora vati ndosaka vakuenda kushamwari dzavo dzakaita seRusssia kuti vawane rubatsiro.
Huwandu hwemadzimai anofa pakuzvara hwakadzika kubva pavanhu mazana matanhatu nemakumi mashanu nemumwe (651) pazviuru zana muna 2010 kusvika pamazana matatu nemakumi matanhatu nevaviri (362) pazviurumuna 2022.

Mumiriri weRussia muZimbabwe, Va Nikola Krasilnikov, vati Russia inokoshesha zvikuru hupenyu hwemadzimai nevana ndosaka iri kuita zvirongwa zvakaita sechapera nhasi ichi.

Vatiwo iri kuita zvirongwa zvakadai kune dzimwe nyika dzemuAfrica nepasi rese. “Hutano hwemadzimai akazvitakura nehwevana zvinhu zvinokosheswa nebazi rehutano reRussia uye makore mashoma asdarika kuzvivandudza nekuona kuti madzimai ese awana hutano hwepamusoro soro.” Vatiwo vese vapinda muzvidzdzo izvi vachaenda kuzvidzidzo zvechipiri kuRussia mwedzi unouya.

Panyaya dzezvehutano, nyika yeAmerica ndiyo inopa Zimbabwe rubatsiro rwakawanda kudarika dzimwe nyika dzose.

Forum

XS
SM
MD
LG