Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veNhabvu Vofadzwa neMatambiro eChikwata cheNyika cheWarriors muAFCON 2025


Chikwata cheWarriors chakarova Namibia mumitambo miviri yeAFCON 2025
Chikwata cheWarriors chakarova Namibia mumitambo miviri yeAFCON 2025

Vatsigiri vemutambo wenhabvu vambokanganwa nhamo dzavo dzezvehupfumi munyika vachipembererea kukunda kwechikwata chavo chemaWarriors mumakwikwi eAfcon 2025.

Chikwata chenhabvu chenyika svondo rapera chakatora mapoinzi ese matanhatu akakosha zvikuru apo chakarova Namibia mumitambo miviri 1-0 ne 3-1 munzira yekuenda kumakwikwi eAFCON 2025, ayo ari kuitirwa kuMorocco.

izvi zvakasiya Zimbabwe ichingoda poindi imwe chete kuti ibudirire kuenda kumafainari eAfcon 2025.

Pari zvino, Zimbabwe ine mapoinzi masere kubva mumitambo mina mugungano riri kutungamirwa neCameroon iyo ine mapoinzi gumi.

Zimbabwe yasarirwa nemitambo miviri yekuenda kuAFCON 2025 fainari kuMorocco.
Zimbabwe yasarirwa nemitambo miviri yekuenda kuAFCON 2025 fainari kuMorocco.


Namibia yatobuda mumakundano aya mushure mekurohwa mumitambo yese yayatamba neCameroon, Kenya nemiviri yayakarohwa neZimbabwe.

Mukuru weWarriors Friends Club, VaTendai Zhakata, vanoti vari kufara zvikuru nepamira Zimbabwe apa.

"Ndiri kufara nezvakaitwa nemaWarriors. Zvinoratidza kuti murairidzi Michael Nees arikugona basa rake nevatambi vake," vanodaro VaZhakata.

VaZhakata vanoti dai vari ivo vari kurairidza chikwata cheZimbabwe Warriors ichi vaichengeta vatambi vamwe chetevo pamitambo yasara yeAfcon neichatevera ye2026 World Cup.

Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors


"Mafungiro angu ndeekuti chikwata ichi chinofanira kuramba chiri pamwechete. Zvikadaro, kana mumakota fainari kuAfcon tinosvika,"

Mumwe mutsigiri wemutambo uyu, VaKudakwashe Garufu, vanoti vari kufara nezvakaitwa nechikwata chenyika ichi.

"Tiri kufara nezvakaitwa nemaWarriors. Nyika yese iri kufara," vanodaro VaGaufu.

Asi VaRichard Marufu vanoti dai zvaiita vane masimba vagadzirisa kuti Zimbabwe itambire muNational Sports Stadium pamitambo inotevera.

"Tiri kufara asi dai zvaiita vakuru vagadzirisa National Sports Stadium kuti titambirewo mutambo wedu neKenya munyika medu," vanodaro VaMarufu.

Zimbabwe yakambomiswa kushandisa National Sports Stadium.
Zimbabwe yakambomiswa kushandisa National Sports Stadium.


Pari zvino, Zimbabwe iri kushandisa Orlando Stadium muSouth Africa semusha wayo nekuti Zimbabwe haina nhandare dzakakodzera kutambirwa nhabvu neve kune dzimwe nyika sezvinodiwa neFifa.

Mutambo weZimbabwe weAfcon unotevera uriko mwedzi unouya, Mbudzi, apo chikwata chenyika chiri kutamba neKenya muOrlando Stadium muSouth Africa.

Zimbabwe yapedza mumakundano eAfcon 2025, iri kupinda mumakundano e2026 World Cup apo ine mitambo neBenin, South Africa, Rwanda neNigeria.

Zvikwata makumi maviri nezvina, kusanganisira Morocco zvichange zviri
mumitambo yekupedzisira yeAfcon ichaitwa kuMorocco kwakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG