Accessibility links

Breaking News

VeChidiki muZimbabwe Votaura Maonero Avo paSarudzo dzemuAmerica


Amai Kamala Harris naVaDonald Trump
Amai Kamala Harris naVaDonald Trump

Kune vechidiki vakawanda vemuZimbabwe vari kuyemura mafambisirwo esarudzo dzekunyika yeAmerica, idzo dzichaona ruzhinji rwuchinovhota musi wa5 Mbudzi, vachiti dai Zimbabwe yakwanisawo kutevedza zvavari kuona zvakanaka zviri kuitwa.

Asiwo, kune vamwe zvekare vechidiki vanoti Zimbabwe yagara inozviitira sarudzo dzayo zvakanaka, zvekuti haina zvizhinji zvekudzidza kubva kuAmerica.

Mumwe weavo vanoti gadziriro yekunokanda mavhoti kuAmerica inofanira kuyemurwa, ndiMakomborero Mafukidze, wechidiki anodzidza pachikoro chepamusoro-soro cheChinhoyi University of Technology. Mafukidze ati, “Tiri kuona kuti munyaya dzekushambadza zvavanoda kuzoitira vanhu, vari kukwikwidza kuva mutungamiri wenyika yeAmerica vari kuwaniswa mikana yakaenzana mumawayiresi, pazvizvitizviti uyewo padandemutande.” Aenderera mberi achiti, “Hakuna anonyimwa mukana nekuda kwechikonzero chipi zvacho. Tichitarisa kumba, tinomboona vamwe vachinyimwa mukana wekuzvishambadza, kuchipiwa vamwe. Zvichida tingadzidzawo ipapo, tikapagadzirisa.”

Mumwewo wechidiki Luke Chitsike, mugari wemuHarare, anotiwo dai Zimbabwe yakwanisa kutenderawo zvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika kuvhota, sezvinoitwa nehurumende yeAmerica.

Audza Studio 7 kuti, “Vanhu vari kunze kwenyika vakawanda chose, uye vanobatsira nyika zvikuru nekutumirawo mari kumusha, naizvozvo ndinoona zvakakosha kuti vawaniswewo mukana wekusarudza vatungamiri vavanoda.”

Atiwo, “Chero tisingatarisi America chete, nyika dzakatipoteredza dzinosanganisira Mozambique, dzinotendera kuvhota kweavo vari kunze kwenyika. Zimbabwe ngaitevedzerewo zvakanaka izvi.”

Asiwo, Rumbidzai Mpofu, wechidiki anogara muHarare, anoti Zimbabwe inyika yakazvimirira isina zvakawanda zvekudzidza kubva kuAmerica. Muzvare Mpofu ati, “Hongu musarudzo panogona kuitwa kukakavadzana, asi takatarisa Zimbabwe, handioni sekuti takanyanya kusara kumashure zvekuti tingada kudzidziswa maitirwo esarudzo nenyika yeAmerica.”


Atizve, “Chakakosha ndechekuti ZEC irambe ichishanda yakasununguka, isingateereri avo vanoishoropodza siku nesikati. Kusiyana kwenyika, kusiyanawo nemaitirwo ezvinhu, naizvozvo ndinoti Zimbabwe ngairambe ichiita zvayagara ichiita.”

Mwedzi unouya waMbudzi nemusi wa5, nyika yeAmerica ichaita sarudzo yemutungamiri wenyika, apo vari kumirira bato Rupublican Party, VaDonald Trump, vari kutatsurana naAmai Kamala Harris veDemocratic Party.

Vaviri ava vari mubishi kutsvaga rutsigiro rwemavhoti, uye vakambosangana kamwechete pagakava rekuona kuti ndiani ane hurongwa hwakadzama hunogona kuendesa nyika yeAmerica mberi.

Asi kutaura kuno, hazvisati zvava pachena kuti ane mukana mukuru wekukunda musarudzo iyi ndiani.

Kana kuchitariswa nyaya dzemhirizhonga panguva yekutsvaga mavhoti kuvanhu, mukuru wesangano rinoongorora nyaya dzesarudzo, reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vanoti Zimbabwe inazvo zvekudzidza kubva kuAmerica.

“Hongu takaona mwedzi mishoma yadarika, VaDonald Trump vachipfurwa nepfuti, asi vakakasika kubatsirwa nevasori vehurumende, ivo vakatendawo nekuchengetedzwa uku.” VaSadziwa vaudza Studio 7.

Vaenderera mberi vachiti, “Ndinoona sekuti runyararo rwuri muAmerica apo vanhu vari kutsvaga kuvhoterwa, chinhu chinoyemurika chatinogona kuitawo muZimbabwe. Isu sarudzo dzedu dzinonyanya mhirizhonga, zvinozotadzisa vanhu kuti vasununguke kupinda mune zvematongerwo enyika.”

Studio 7 yaedza kunzwawo kubva kuZimbabwe Electoral Commission, uyewo kubva kugurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi, pamusoro penyaya yesarudzo iyi, asi mibvunzo yatavatumira yange isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Wechidiki anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa kusangano reProject Vote 263, Tafadzwa Mavhunga, anoti sarudzo dziri kuitwa kuAmerica, dzinobuditsa pachena hutongi hwegutsaruzhinji hwemunyika iyi, zvaanoti anozvishuvirawo nyika yake yechizvarirwo- Zimbabwe. Mavhunga ati, “Tiri kuona kuti kodzero dzevanhu dziri kuchengetedzwa, zvisinei nekuti uyu bato rake nderekuruboshwe, kana kuti kurudyi.”

Atizve, “Munhu wese akachengetedzeka apo pari kuitwa zvematongerwo enyika. Uhu humbowo hunoratidza kusununguka kwevanhu veAmerica, uyewo hutongi hwejekerere munyika iyi. Nesuwo tinokwanisa kuzviita izvi.”

Kutaura kuno, zvizvarwa zveAmerica zviri kunze kwenyika iyi nemune mamwe matunhu zvinoda hazvo kukurumiddza kuvhota zvakatotanga kuita izvi.

Asi muZimbabwe, hurumende inogara ichitsika madziro, kuti vari kunze kwenyika vavhotewo vari kwavanenge vari ikoko.

Kuverengwa kwemavhoti kana sarudzo dzaitwa kuAmerica, kunonzi kuri pachena zvekuti ani nani anokwanisa kuzvionera ega zvibodzwa zvevanenge vachikwikwidza, zvinozoderedzawo mikana yekubira sarudzo.

Asiwo vamwe vanoti VaTrump vanongogara vachiti vakakundwa sarudzo dzinenge dzabirirwa zvinopa vatsigiri vavo kushaya chivimbo nesarudzo kunyangwe pasina humbowo hwakati tsvikiti hwezvavanotaura izvi.

Vamwewo vechidiki vemuZimbabwe vanoti kunyange nyika yavo neyeAmerica dzichiita sedzakarimirana muganhu, hapana chakaipa mukukopa dhoiri rakanaka, nekuti chakanaka chakanaka, mukaka haurungwi.

Forum

XS
SM
MD
LG