Hurumende yeZimbabwe inoti inoda kudyidzana nekushandidzana zvakanaka nedzimwe nyika dzakaipoteredza, kunyaya dzemusangano reSADC.
Asi mashoko aya anotsoropodzwa zvikuru nevemapato anopikisa emunyika, pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira, avo vanoti hurumende yemuHarare ndiyo honzeri yebongozozo riri kuitika mudunhu reSADC.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri muHarare mushure memusangano wemakurukota ehurumende, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvinafundo Amon Murwira vakati Zimbabwe icharamba ichisimbaradza kufambidzana nenyika dzakaikomberedza, senzira yekuwana chouviri kubva mukushamwaridzana uku.
Vakati, “Nyika yedu inoda kugara zvakanaka nevavakidzani vayo, ndizvo tiri mumasangano emubatanidzwa wenyika dzepasi rese, anokurudzira runyararo. "
Vatiwo, "Munguva pfupi yadarima takokwa kumusangano wekukurudzira kuzvidzivirira wakakotsverwa nesangano reThabo Mbeki Foundation kuSouth Africa. Isu takazvipira kuramba tichigarisana murunyararo neshamwari dzedu dziri pedyo, zvese nedziri kure.”
Asi VaPromise Mkhwananzi, mutauriri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCCC, vanoti apa hurumende iri kutaura zvemugotsi matsuro. VaMkwananzi vanoti, “Vari kunyeba ava, havasi kurevesa, nekuti kutaura kuno, vakonzeresa kusagadzikana musarudzo dzemunyika dziri mugungano reSADC dzinosanganisira Namibia, Mozambique neBotswana.”
Vatizve, “Vanoda kuti sarudzo dzekunyika idzi dzinge dzisina kuchena sezvakaitwa dzemuno muZimbabwe. Vagari vemuSADC havasi kufara zvachose nemaitiro aya.”
Mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, uyewo vachiongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese, VaRejoice Ngwenya, vanoti hurumende yeZimbabwe iri kuwanza simba rayo kumuromo sepinjisi, asi kuzviito pasina zvinobatika zviri kuitwa.
“Zimbabwe ine zvizvarwa zvayo zvakawanda zviri munyika dzeSADC, zviri kutsvaga mafuro manyoro ikoko, vachitiza mamiriro ezvinhu kumba.” VaNgwenya vaudza Studio 7.
Vatiwo, “Mabatirwo anoitwa hutongi hwejekerere, uyewo sarudzo, kuchizoti kodzero dzevanhu- zvese izvi hazviratidzi kuti zviri kutaurwa nehurumende zvichaitika. Naizvozvo, hapana zvavangataura zvingaita kuti vavakidzani vange vachida kugara nesu nekuti zviito zvehurumende hazvisi kufambidzana nekutaura kwavo.”
Kutaura kuno, Zimbabwe iri kupomerwa mhosva yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika dzemuSADC, kunyanya mune zvesarudzo, ichinzi iri kutsigira mapato akarwira rusununguko rwenyika idzi muhondo dzechimurenga, ayo anonzi anodyidzana zvikuru nebato riri kutonga, reZanu PF.
Asi mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko kubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti vanhu ngavasataura kwavasina kuswera.
“Vagara variko vasingadi kuona hushamwari hwemuSADC huchibudirira, ivavo ndivo vari kukusha mashoko ekunyeba ekuda kuparadzanisa nyika dziri mudunhu iri.” Vatiwo, “Asi izvi hazvife zvaabudirira nekuti mukuru weSADC, VaEmmerson Mnangagwa vari kukotsvera sangano iri zvinonwisa mvura. Ndinoti kuvavengi vedu ava, muchanzwa negodo nekuti SADC icharamba iri zienda nakuenda.”
Nyanzvi inoongorora nyaya dzematongerwo enyika, uyewo vari gweta, Amai Jacqueline Sande, vanoti kukakavadzana kuri kuitika muSADC uku, mazvokuda mavanga enyora, nekuti SADC yatadza kudzora bato reZanu PF mumaitiro aro ezvinhu. Vati, “Zanu PF yakatenderwa neSADC kuti inge ichimhura kodzero dzevanhu uyewo mitemo yesarudzo, zvinova zvava kutapukira kune dzimwe nyika dzakatikomberedza.”
Vatizve, “Bato iri rinogona kuonekwa sechirwere chegomarara mudunhu reSADC. Variko vamwe vave kutoshaya chivimbo muSADC yacho, sezvo ichitadza kugadzirisa nyaya dzinenge dzakakosha.”
Nezuro mutungamiri weZanu PF, uyewo vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakakorokotedza mumwe wavo, mutungamiri webato reFRELIMO kuMozambique, VaDaniel Chapo, vachiti vaive vakunda musarudzo dzakaitwa munyika iyi musi wa9 mwedzi uno.
Asi sachigaro wechimwe chikamu cheSADC, cheOrgan on Politics, Defence and Security Cooperation, Amai Samia Suluhu Hassan, vari zvekare mutungamiri wenyika yeTanzania, vakabuditsa mashoko ekuti zvakabuda musarudzo yekuMozambique, hazvisati zvaziviswa kune veruzhinji.
Mune imwe nyaya, dare remakurukota rakatambira kurudziro yekuti mitemo yekuva nepfuti ivandudzwe kuti vanadzo vanyotsozivikanwe. Panenge potariswa zera remunhu, mamiriro epfungwa nezvimwe asati apihwa rezinesi.
Forum