Accessibility links

Breaking News

VaChapo Vasarudzwa Kuva Mutungamiri weMozambique weChishanu Musarudzo Dziri Kuita Mutauro Wakanyanya


VaDaniel Chapo
VaDaniel Chapo

Bato riri kutonga muMozambique reFRELIMO ndiro rakunda musarudzo dzakaitwa musi wa 9 Gumiguru. Vange vachimiririra bato reFRELIMO musarudzo yemutungamiri wenyika VaDaniel Chapo vanonzi vawana zvikamu zvinodarika makumi manomwe kubva muzana kana kuti 70% zvemavhoti.

VaVenancio Mondlane vaikwikwidza vakazvimirira asi vachitsigirwa nebato rinopikisa rePEDEMOS vakawana mavhoti zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20%.

VaVenâncio Mondlane
VaVenâncio Mondlane

VaChapo vave kutora chigaro chekutungamira kubva kuna VaFilipe Nyusi avo vasisakwanise kukwikwidza sezvo vasvitsa makore gumi akatarwa mubumbiro remitemo.

VaSamora Machel, mutungamiri wekutanga weMozambique
VaSamora Machel, mutungamiri wekutanga weMozambique

VaChapo ndivo mutungamiri wenyika wechishanu weMozambique kubva zvayawana kuzvitonga kuzere kubva kuPortugal muna 1975. Vakatungamira nyika iyi ndiVaSamora Machel, VaJoaquim Chissano, VaArmando Guebuza uye VaFilipe Nyusi.

VaFilipe Nyusi
VaFilipe Nyusi

Musarudzo dzedare reparamende, bato reFRELIOM rave nezvigaro zana nemakumi mapfumbamwe nemashanu (195) pazvigaro mazana maviri nemakumi mashanu (250). FRELIMO yange iine zvigaro zana nemakumi masere nemana (184) musarudzo dzadarika.

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union rakaburitsa mashoko kuvatori venhau richiti sarudzo idzi dzakabirirwa uye mamwe matunhu aichinja kuvhota kwainge kwaita vanhu. Asi hurumende yemozambique iri kuramba kuti sarudzo dzakabirirwa.

Zvinhu zvinonzi hazvina kugadzikana muguta guru reMaputo pachityirwa kuti panogona kuita mhirizhonga sezvo vanopikisa vasiri kutambira zvabuda musarudzo. SADC yakatoburitsa mashoko ichikurudzira runyararo muMozambique.

Vanopikisa vachiratidzira muMozambique
Vanopikisa vachiratidzira muMozambique

Asi mutungamiri wenyika vari sachigaro weSADC VaEmmerson Mnangagwa vanove sachigaro weSADC vari kushorwa nevamwe sezvo vari kunzi vakakurumidza kumedza kutsenga kuchada apo vakakorokotedza VaChapo zvainge zvabuda musarudzo zvisati zvaziviswa.

VaMnangagwa vakataura nemusi weChipiri pamusangano webato ravo wePolitburo kuti, “Ndinoda kukorokotedza vebato ratinodyidzana naro reFRELIMO nevamirira kutoreswa mhiko yekutungamira Cde Daniel Chapo, nevanhu vemuMozambique nekukunda zvine mutsindo musarudzo dzichangobva mukuitwa.”

Asi vachitaura neStudio 7, mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaFarai Marapira vati VaMnangagwa vaikorokotedza FRELIMO nekukunda musarudzo dzevakavhota muZimbabwe chete kwete nyika iyi yose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vati VaMnangagwa sasachigaro weSADC visafanira kutoora divi uye zvavakaita zvinopa kuti vanhu vashaye chivimbo nesangano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG