Zimbabwe neChishanu iri kubatana nedunhu reSADC mukucherechedza zuva rekukurudzira kuti zvirango zvainoti yakatemerwa nenyika dzekumawirira, reSADC Anti-Sanctions Day.
Zuva iri rinocherechedzwa musi wa 25 Gumiguru gore roga roga kubva zvaratambirwa nesangano reSADC muna 2019, apo kurudziro yekuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe izvi zvibviswe.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Jenfan Muswere svondo rino vakaudza vatori venhau kuti Zimbabwe yakagadzirira mhemberero idzi, uye mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kutura mashoko kuvana veZimbabwe pamwechete nemashoko sasachigaro veSADC.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti zvirango izvi zviri kukanganisa hupfumi hwenyika pamwe nevana veZimbabwe vese zvisineyi nekuti ndevebato ripi rezvematongerwo enyika, nekudaro zvinofanirwa kubviswa.
Doctor Mavaza vanoti vari kukurudzira vana veZimbabwe vose kuti vabude vacherechedze zuva iri nekuwedera kurudziro yekuti zvirango zvibviswe.
Ukuwo, hurumende inoti kubva zvadzikwa zvirango zvainoti zvakatemerwa nyika makore anodarika makumi maviri adarika, nyika yarasikirwa nemari inodarika mabhiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoramba kuti Zimbabwe ichiri parirango, vachiti zvakabviswa hurumende yakatopembera.
VaDzvokora vanoti chiri kuuraya nyika pamwe nekukanganisa hupfumi hwenyika huwori, kutyorwa kwekodzero dzevanhu nekutadza kutonga kwehurumende yeZanu PF.
Hurumende yeAmerica inoramba kuti yakatemera Zimbabwe zvirango, asi kuti vanhuwo zvavo gumi nemumwe, kusanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa, pamwe nemakambani matatu chete, ndivo vari pazvirango pasi pemutemo we Global Magnitsky Human Rights Accountability Act nezvikonzero zvekutyora kodzero dzevanhu.
Vanonzi vari pazvirango vanoti VaMnangagwa, nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa, VaKudakwashe Tagwirei nemudzimai wavo Amai Sandra Mpunga, Walter Tapfumaneyi vanove mutevedzeri wemukuru wevasori, mukuru wemapurisa VaGodwin Matanga nemutevedzeri wavo VaStephen Mutamba, gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vaimbove gurukota rezvevasori VaOwen Ncube, naVaObey Chimuka vanove mukuru wekambani yeFossil Agro.
Makambani matatu ari pazvirango anoti Fossil Agro neFossil Contracting dzaVaChimuka, pamwe neSakunda Holdings inonzi ndeyaVaTagwirei.
Britain inotiwo vanhu vana chete vanoti vaimbove gurukota rezvevasori, VaOwen Ncube, mukuru wevasori, VaIsaac Moyo, komishina wemapurisa VaGodwin Matanga nemukuru wemauto VaAnselem Sanyatwe, ndivo vari pazvirango nezvikonzero zvekutyora kodzero dzevanhu.
Nyika mbiri idzi dzinorambawo kuti zvirango izvi ndizvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika, asi kuti huwori nekusafambiswa kwehutongo zvakanaka.
Forum