Gurukota rinoona nezvehutano Dr Douglas Mombeshora vanoti dambudziko remagetsi rave kutadzisa zvimwe zvipatara kushanda zvakanaka zvopinza hupenyu hwevarwere munjodzi.
Doctor Douglas Mombeshora vati, “Zvimwe zvipatara zvedu zviri kutadza kushandisa malaboratory, kuchengetedza mishonga zvakakwana pamwe nekuongorora varwere nekuda kwekushaya magetsi”
Nezuro masangano anoti United Nations Development Program kana kuti UNDP neGlobal Fund akabatsira hurumende negwenya remagetsi rinoshandisa zuva kana kuti 450-kilowatt Solar Unit rakaiswa paNational Pharmaceutical Company of Zimbabwe (Natpharm).
Izvi zviri kuitwa pasi pechirongwa chakaparurwa muna 2016 chinonzi Solar for Health Project.
Dr Mombeshora vanoti pasi pechirongwa ichi, zvipatara, makirinika nedzimwe dzimba dzinoitwa mabasa ehutano dzinodarika churu nemakumi mana (1044) zvaiswa magwenya emagetsi anoshandisa simba rezuva.
Mukuru weUNDP muZimbabwe, Doctor Oyadele Odusola, vati donzvo guru rekuparura chirongwa cheSolar for Health kugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nekushaikwa kwemagetsi muzvipatara.
Vati vakaona zvakakosha kushandisa magetsi esimba rezuva senzira yekuderedzawo matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze. Kushanduka kwemamiriro ekunze aya ndiwo ari kunzi apa kuti mvura ishaikwe muLake Kariba zvokanganisa magwenya emagetsi.
Mukuru muchikamu cheImpact Africa 2 muGlobal Fund, VaLinden Morrision, vati kusvika pari zvino sangano ravo rashandisa mamiriyoni gumi nemapfumbamwe emadhora kuisa magwenya emagetsi anoshandisa zuva kana kuti solar muzvipatara nemakirinika zvinosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvezvipatara munyika yose.
VaMorrison vakurudzira vanhu munharaunda dzine zvipatara nemakirinika akaiswa magwenya anoshandisa simba rezuva kana kuti solar kuti vachengetedze midziyo yavari kutengerwa iyi nekuti inovabitsira pakurapwa.
Mukuru wesangano reApostolic Church of Deliverance in Africa Foundation yekuNyanyadzi kuManicaland, VaPaul Chinyai, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neUN neGlobal Fund zvekuisa magetsi mumakirikina zvakakosha pakuchengetdza mishonga.
VaChinyai vati, "Saka kana pasina magetsi zvinoreva kuti mishonga yedu haikwanisi kugara kwenguva refu uye inozokanganisika zvekuti inotadza kurapa vanhu nekuda kwekuuti inenge isakodzeri nekuti inenge isiri mumafiriji."
Vaive gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vatiwo mishonga mizhinji inoda kugara ichitonhorerwa, kunyanya yenhomba. Doctor Madzorera vapembedza chirongwa ichi vachiti kugara makirinika nezvipatara zvisina magetsi zvine ngozi kuvarwere.
Kunze kwematambudziko ari kuKariba, magwenya emagetsi anoshandisa marasha kuHwange haasi kunyatsoshanda zvakanaka. Zimbabwe iri kutatarika kutenga magetsi kubva kune dzimwe nyika nekutadza kubhadhara zvikwereti kuSouth Africa, Mozambique neZambia.
Makambani anoita zvezvicherwa anoti anogona kurasikirwa nemari inosvika chidimbu chebhiriyoni kana kuti US$500 million.
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaJanfen Muswere vakaudza vatori venhau muHarare kuti hurumende iri kuda kuvandudza magwenya ekuHwnge matanhatu ichishanda nemakambani ekunze kugadzirisa dambudziko remagetsi.
Forum