Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika dzemusadc pauva rekukurudzira kuti zvirango zvainoti yakatemerwa zvibviswe kana kuti SADC anti-Sanctions Day.
Vanhu vaunaga munzvimbo dzakasiyana siyana munyika vachiratidzira. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mumashoko avo kumhuri yeZimbabwe uye sasachigaro weSADC vati zvirango zviri kukanganisa varombo kunyanya.
Hurumende yeZimbabwe inoti zvirango zvapa kuti iite seyakageza negoka munyama zvichipa kuti vemabhizimisi vasauye kuzouchika mari munyika.
Asi mumashoko kuvatori venhau, mumiriri weAmerica muZimbabwe Amai Pamela Tremont vati zvirango izvi zvakatemerwa vanhu gumi nemumwe chete kwemamiriyoni gumi nematanhatu vari munyika.
Vati vanhu gumi ava vanosanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa vakatemerwa zvirango nekuda kwekuita zvehuori uye kutyora kodzero dzevanhu.
Vatiwo manyepo ekuti zvirango zvakanganisa hupfumi hwezimbabwe. Vati muchuchusi mukuru wehurumende akatotaurawo kuti huori hwapa kuti Zimbabwe irasikirwe nemari inosvika bhiriyoni rimwe chete nezviuru mamiriyoni masere kana kuti US$1,8 billion.
Ambassador treemont vati zvirango hazvikanganise zimbabwe kupihwa zvikwereti. Vati chiri kupa kuti zimbabwe isapihwe zvikwreti kutadza kubhadara. Muhurukuro nevatori venhau, amai tremont vakati zviri kukurudzirwa neamerica zviri pachena.
Amai Tremont vati Zimbabwe inokwanisa kutengeserana neAmerica pasina matambudziko.
Forum