Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yeHupenyu hwaVaJD Vance, Avo Vakasarudzwa naVaTrump seMutevedzeri Wavo muSarudzo yeMutungamiri weNyika


VaJD Vance
VaJD Vance

Hupenyu hwevakadomwa semutevedzeri weari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika achimirira Republican Party VaJD Vance hwakafanana nenyaya “yemukomana akakurira mukadhorobha kadiki akazopunduka.”

Vakakurira mu Appalachia, vakaenda kuchikoro chiri mu Ivy League, vachikwanisa kuzopedzisira vasarudzwa kuve semumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika vechidiki zvakanyanya munhoroondo. Asi kutanga – mutori wenhau mukuru we VOA muWashington Carolyn Presutti anotidzosera kumatongo avo.

Uku hakusi iko kwavakazvarirwa. Asi uku ndiko kunonzi naVaJD Vance kumusha. KuJackson, Kentucky.

Va Vance vanotsanangura masanganiro avakaita nemudzimai wavo.

“Pandakapfimba madzimai wangu, ndakati, ‘Mudiwa, ndauya nechikwereti chezviuru zana nemakumi maviri emadhora’ ekuchikoro chemutemo pamwe nenzvimbo yemarinda iri mujinga megomo kumabvazuva kwe Kentucky.”

Ambuya vavo vaizivikanwa saMamaw.

Sheriff John Hollan, mukuru wemapurisa emu Breahitt County, ku Kentucky vanoti vaiziva VaVance kubva kare.

“Vaigara vachiuya vose naMamaw. Vaimuunza kumakomo kuti aone kuti hupenyu hwemumakomo hwakaita sei, uye zvaive pachena kuti akahuda.”

VaVance vakazvarirwa muMiddletown, kuOhio, vakakudzwa zvakanyanya naMamaw avo vaive vasingatambire zvedambe vachigara vachingotukirira uye vachichengeta mumba pfuti gumi nepfumbamwe dzine mabara.

Vaine zita remurume akanga akaroora amai vavo, VaJD Hamel vakahwinha sarudzo yavo yekutanga. Sezvineiwo, semutevedzeri wemutungamiri wemukirasi mavo paMiddletown High School.

Vakazoshanda semuuto vakazopedza zvidzidzo zvavo vakabudirira zvepamusorosoro, kana kuti summa cum laude kubva pachikoro chepamusorosoro cheOhio State University.

Vakazoenda kuYale, uko VaVance vakasvikowirirana nemumwe mudzidzi aiitawo zvidzidzo zvemutemo, Usha Chilukuri – akazove mudzimai wavo. Shwamari yavo pachikoro ichi VaJames Eimers vaivaziva vose.

VaEimers vanoti, “Ndinofunga kuti (Usha) akakwanisa kuendesa zvimwe zvaizvozvo kuna JD kumubatsira kusarudza zvaaida kuita, kugadzirwa nzira yake mune remangwana mune zvose achibva kuchikoro chemutemo.”

VaVance vakazivikanwa nyika yose kuburikidza nebhuku ravo remuna 2016 rakatengwa zvakanyanya uye rakaitwa firimu, “Hillbilly Elegy,” riri pamusoro pevanhu vemuAmerica vanoshanda mabasa epasi. Mutambi mukuru ndiGlenn Close ari Mamaw vasingade zvemangamanga kuna JD wechidiki.

Nerutsigiro rwevaimbove mutungamiri wenyika VaDonald Trump, VaJD Vance – mukomana anobva ku Ohio anoda Kentucky – akasarudzwa kuve seneta ku Ohio. Uye mumakore maviri akatevera….

VaTrump vakasarudza Vavance semutevedzeri vavo musarudzo. Asi vakave nemavambo akaipa, mushure mekunge vamboshoropodza VaTrump nekunge vamboti havafe vakave munhu anotsigira VaTrump.

Iye zvino, mushure mekudomwa, zvirongwa zvaVavance zvakafanana nezvaVaTrump. Uye, pakubvunzwa kuti “vaive mutungamiri wenyika vakakundwa here musarudzo yemuna 2020?”

VaVance vakati, “Kwete, ndinofunga kuti pane matambudziko makukutu muna 2020. Saka VaTrump vakakundwa here sarudzo? Kwete nemashoko andingashandisa.”

VaVance vane hurongwa hwakasimba paChina neEast asia, vanopikisana nekupa rubatsiro rwechiuto ku Ukraine.

Pamhinduro kumubvunzo pahondo yeIsrael neHamas… VaVance vakati,

“Kamala Harris, nekune rimwe divi, anoti haadi kuti vanhuwo zvavo vakuvadzwe. Asi iye aciramba kupa Israel zvombo zvinoibvumidza kuti vaderedze huwandu hwevanhu vanokuvadzwa.”

Dunhu rinobva VaVance reMiddletown inzvimbo yakanyanya vatsigiri vaVaTrump. VaSteve Dillman vakapinza VaVance basa ravo rekutanga vaine makore gumi nematanhatu ekuberekwa.

VaDillman vanoti, “Ndinodada zvakanyanya nezvaazadzisa, uye kuve nechekuita nazvo kunondifadza mumwoyo mangu. Uyu murume akabva mumugwagwa we McKinley, uye iye zvino anogona kutove mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeAmerica.”

Kana vakasarudzwa, VaVance pamakore makumi mana, vanogona kuve mumwe wevevatevedzeri vemutungamiri wenyika vatatu vadiiki kune vose munhoroondo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

(Iyo yanga iri Nyaya yabva kumutori wenhau weVOA Carolyn Presutti yandakuverengerai.)

Forum

XS
SM
MD
LG