Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanosvika Mamiriyoni Makumi Mashanu (50 Million) Vatovhota muAmerica


 Amai Kamala Harris , naVa Donald Trump
Amai Kamala Harris , naVa Donald Trump

America iri kuenda kusarudzo nemusi weChipiri svondo rinouya.

Asi vanhu mamiriyoni makumi mashanu vatovhota sezvo America ichibvumidza vanhu kukurumidza kuvhota.

Munhu anokwanisa kuvhota ari kumba kana kuenda kunzvimbo shoma dzekuvhotera dzakavhurwa.

Matunhu akaita seGeorgia neNorth Carolina anoti vanhu vari kuvhota nehuwandu hwavo.

Kana munhu akurumidza kuvhota akada kuyedza kuvhota kechipiri anosungwa.

Kutsvaga rutsigiro musarudzo iyi kuri kuenderera mberi zvikuru mumatunhu manomwe akakosha musarudzo yemutungamiri. Matunhu aya haana bato raakarerekera kana kuti ‘swing states.” Anoti Arizona, Georgia, Michigan, Nevada, North Carolina, Pennsylvania neWinsconsin.

Vari kukwikwidzana musarudzo iyi Amai Kamala Harris veDemocratic Party nhasi vari kutsvaga rutsigiro muWashington DC.

Vari kukwikwidza vakamirira bato reReplican Party VaDonald Trump vanenge vari kudunhu rePennsylvania mhasi.

Vanoongorora nezvematongerwo enyika vari mumiririri wesangano reNational Democratic Working Group, muno muAmerica, VaTafadzwa Munjanja vanoti mazuva aswedera, saka vari kukwikwidzana vave kuita chipatapata kutsvaga rutsigiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG