Accessibility links

Breaking News

Vanhu vemuBotswana Vavhota Nhasi


Vanhu vemuBotswana vari kuvhota nhasi musarudzo yekuti voramba vachitungamirwa nebato riri pakati pemapato emuAfrica atonga kwenguva yakareba reBotswana Democratic Party-BDP kana anopikisa. Bato reBDP riri kutungamirirwa nemutungamiri wenyika iyi VaMokgweetsi Masisi.

Vari kukwikwidzana naVaMasisi varume vatatu vanoti mutungamiri webato guru rinopikisa reUmbrella for Democratic Change VaDuma Boko, VaDumelang Saleshando veBotswana Congress Party naVaMephato Reatile veBotswana Patriotic Front. Bato rinenge rakunda nhasi richatungamira nyika kwemakore mashanu anotevera.

Mutungamiri webato rinopikisa yeBotswana Patriotic Front (BPF) Mephato Reatile
Mutungamiri webato rinopikisa yeBotswana Patriotic Front (BPF) Mephato Reatile

Nyaya dziri kutariswa nevari kuvhota dzakawanda asi kunyanya yemamiriro ehupfumi. Pavanhu mamiriyoni maviri nechidimbu kana kuti 2,5 million, vanhu zvikamu makumi maviri nezvinomwe kubva muzana kana kuti 27% havana mabasa. Vanhu vanosvika miriyoni imwe chete ndivo vari kutarisirwa kuvhota.

MuBotswana mune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda izvo zviri kuteverawo zviri kuitika munyika iyi sezvo zviine chekuita nemagariro avo munyika iyi.

Gogo Miriam Murambwi vanobva kuKwekwe, avo vanorarama nekuruka vhudzi muguta reGaborone vanoti tarisiro yavo kuona VaMasisi vachikunda.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinobva kuGokwe VaPatrick Nyamadzavo vati VaMasisi ndivo chete vanonzwisisa nhamo yezvivarwa zveZimbabwe.

Asi Amai Sylvia Aaron, avo vanotengesa panokwirirwa mabhazi muguta reGaborone vaudza Studio7 kuti vachagamuchira chero chichabuda musarudzo nekuti Mwari ndiwo vanosarudza vatungamiri.

Asi Amai Sylvia Aaron, avo vanotengesa panokwirirwa mabhazi muguta reGaborone vaudza Studio7 kuti vachagamuchira chero chichabuda musarudzo nekuti Mwari ndiwo vanosarudza vatungamiri.

Mutungamiri weUmbrella for Democratic Change VaDuma Boko
Mutungamiri weUmbrella for Democratic Change VaDuma Boko

Vanoongorora nyanya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of South Africa, VaMunjodzi Mutandiri vanoti zvizvarwa zveZimbabwe hazvifaniri kugara zvakabatira hura mumaoko panyaya yeanotungamira muBotswana nekuti dunhu rose rinoziva kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe.

Sarudzo idzi dzine mutauro wakanyanya sezvo vanopikisa vakaita seUmbrella for Democratic Change kana kuti UDC vari kupomera Zimbabwe mhosva yekupindira musarudzo dzenyika iyi. Asi hurumende yeZimbabwe iri kuramba izvi.

Vanhu vanotarisirwa kupedza kuvhota nenguva dza8 manheru ano. Asi zvinenge zvabuda musarudzo zvinotarisira kuziviswa nemusi weChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG