Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica, Muzvare Dangwa, Vanove Mumwe weVanhu Vakakasika kuVhota muSarudzo dzemuAmerica


Muzvare Teresa Dangwa
Muzvare Teresa Dangwa

Vanhu vanodarika miriyoni makumi mashanu vavhota kusvika pari zvino kubva zvakavhurwa mukana wekukakisa kuvhota zuva resarudzo risati rasvika musarudzo yemuAmerica.

Zvizvarwa zveAmerica zviri kuvhota musi wa 05 Mbudzi musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, nhengo dzeparamende, magavhuna nevamiriri vematunhu.

Asi vasingakwanise kuvhota pazuva iri vakapiwa mukana wekukasika kuvhota kuburikidza nekutumira mavhoti avo inonzi muChirungu postal voting, kana kukasika kuenda kunzvimbo dzekuvhotera dzakavhurwa, early voting.

Chizvarwa cheZimbabwe, Muzvare Teresa Dhangwa vanogara muAlbany vari mufundisi, ndemumwe wevanhu vakashandisa mukana wekukasika kunovhota mudunhu ravo ravanogara reNew York.

Muzvare Dangwa vanoti vakafadzwa zvikuru nemafambiro ari kuita hurongwa hwesarudzo uhu sezvo zvakangovatorera maminitsi ari pasi pemashanu kubva zvavakasvika pekuvhotera kusvika vapedza kuvhota vachibuda.

Vanoti idzi dzave sarudzo dzavo dzetatu vachivhota muAmerica asi aka ndekekutanga kuti vakasike kuvhota zuva resarudzo risati rasvika.

"Ndakatongopfuurawo nepo ndichitobva kune mumwe musangano bvandangoti aah, ndapfuura nepano regai ndingopinda ndione kuti raini racho rakamira sei? Kwakutopinda kwakutoona hapana kana raini. Pamberi panga pane munhu mumwechete."

Muzvare Dangwa vanotiwo vakafadzwa zvikuru nehurongwa hwekuti gwaro rekuvhotesa rinodhindwa munhu wakarimirira, wotambidzwa wopinda mukamupanda kaunonovhota uri, wosarudza vanhu vaunoda.

"Ndakaimupureswa nezvuinhu zvakati wandeyi. Chekutanga izvozvo zvekuti hapana kuti pane ma baballot anenge akaungana somewhere, robviswa kana mubhokisi kana pai. Unopiwa rinopurindiwa ipapo. Iwewe kana vatongokutambidza hapana mumwe munhu anozobvumidzwa kana kuribata. Unotoona kutoti hapana kubirira kuti munhu angati unogona kupiwa rakatonyorwa kare," Muzvare Dangwa vanotsanangura.

Vanoti vanoona sekuti pane musiyano mukuru kwazvo pakati pesarudzo dzemuAmerica nesarudzo dzekumusha kuZimbabwe, uko vanoti vanhu vanovhota vachityisidzirwa nenzira dzakasiyanasiyana, dzinosanganisira kuti panzvimbo dzinovhoterwa panenge paine vanhu vane patebhu eveboka reFAZ vanenge vachinyora mazita evanhu vavhota.

Vanotiwo muAmerica hamuna mhirizhonga yevemapato ezvematongerwo enyika seinoonekwa kumusha kwekuti vanhu vanosvika pakupondana vachirwira zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG