Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yeHupenyu hwaAmai Kamala Harris, Avo Vari Kumirira Democratic Party muSarudzo dzemuAmerica


Vari kumirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica Amai Kamala Harris.
Vari kumirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika muAmerica Amai Kamala Harris.

Vachibva kune rimwe dunhu remuAmerica rine vanhu vakasiyanasiyana, vanotambira maonero nemafungiro akasiyana, vari kumirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, vafakamba nzira yezvematongerwo enyika pakati pekuve munhu anoona kuti mutemo wateverwa here nekuve munhu anofunga nezveshanduko yemberi.

Mutori wenhau weVOA Matt Dibble anotipa nhoroondo ino kubva ku Oakland, California.

Amai Kamala Harris vachitaura kumusangano mukuru webato ravo weDemocratic National Convention vakati, “Amai vangu vaive mudzimai akachenjera, murefu, ane ruvara rwebhurawuni uye aine matauriro akasiyana nevamwe.”

Nyaya yaAmai Kamala Harris inotanga mugore ravakaberekwa ra1964 mumisha yevanhu vakasiyanasiyana yakabudirira yemu San Francisco Bay Area.

Vabereki vavo vaive vabvakure, Amai Shyamala Gopalan vaibva kuIndia naVaDonald Harris vaibva kuJamaica, avo vakasangana muBerkeley, mudunhu reCalifornia, umo vadzidzi vaviri vaigona zvikuru ava vakasvika kuzodzidza pachikoro chepamusorosoro cheUniversity of California.

Mumakore ekuma 1960 Berkeley yaive nhongonya yekurwira kodzero dzevanhu pamwe nekurwira runyararo.

Amai Harris vakati ndangariro dzavo dzekutangisisa ndedzekuendwa navo kumisangano nevabereki vavo vachiri mudiki kwazvo.

Muna 1970, muchato waana Harris wakanga waparara.

Amai Shyamala Gopalan nevanasikana vavo vaviri vakawana imba yekugara vachibhadhara rendi mune imwe nzvimbo yemu Berkeley yaizivikanwa nerekuti “flatlands” sezvo yaive yakatambarara.

Amai Carole Porter, ishamwari yaAmai Harris yepahudiki.

“Saka vaigara muimba yemuturikidzwa pamusoro pekireshi, pamusoro peShelton’s Daycare muimba yaive nemipanda miviri yekurara nemumwechete wekugezera.”

Shamwari yehudiki Amai Porter vakatanga kusangana naAmai Harris panzvimbo yavaimirira bhazi raivatakura kuenda kuchikoro.

“Taive kirasi yechipiri kubva zvapera rusarura ganda tichisanganiswa vadzidzi vemarudzi muzvikoro zveveruzhinji muBerkeley.”

Amai Harris vakaenda kuHoward University, chikoro chepamusorosoro chine nhoroondo yekutora vadzidzi vechitema, vakazoenda kuchikoro chezvemitemo.

Panguva iyo varume vechitema vaiiswa mumajeri nehuhwandu hwakanyanya muCalifornia, Amai Harris vakatora basa rekuve muchuchisi, basa raisatambirika munharaunda dzevatema vemuAmerica.

Amai Porter vanoti, “Aida kupinda kuti anoshandura zvinhu kuitira kuti vanhu vasangopomerwa mhosva sezvaiitika, zvichiendarana nerusarura ganda.”

Muna 2002, Amai Harris vakakwikwidzana nevaive gweta redunhu reSan Francisco kana kuti District Attorney.

Vanoita zvematongerwo enyika, Amai Andrea Dew Steele vanoshanda kubatsira madzimai ebato reDemocratic Party kuti vasarudzwe musarudzo.

VaSteele vanoti, “Kwakanga kusina kumbobvira kwakaita gweta redunhu rechidzimai. Aitove munhu aifungidzirwa kuti haahwinhe, asi kubva mukutanga, aive nechimwe chinhu chakanga chakakosha zvikuru paari.”

Amai Harris vakakunda musarudzo dzaive nemakwikwi akasimba idzi vakatanga kushanda vachiwedzera mitongo nenguva dzekugara mujeri kune vanenge vabatwa nemhosva dzemhirizhonga, vachiisa vaya vanenge vakapara mhosva kekutanga, dzisina mhirizhonga, muchirongwa chavo chainzi “Back on Track,” chaive chakanangana nekudzosera vasungwa munzira kwayo.

Mushure mekusarudzwa segweta guru reCalifornia muna 2010, vakamanikidza mabhanga emuAmerica kuti abhadhare $20 billion semuripo panyaya yekuti aishandisa nzira dzaive nehutsotsi mukati mukukweretesa vanhu mari.

Vakarwisane nekutengeswa kwezvinodhaka pakati pematunhu pamwe nekusunga vaiendesa vanhu muhutapwa, nekukurudzirawo kuti kuroorana kuve kwakaenzana.

Muna 2016 Amai Harris vakasarudzwa kuve nhengo yedare reSeneti muAmerica, uko vakakasika kunzwika sezwi rine simba munyaya dzekupinda kwevanhu munyika, hutano, nekuvandudzwa kwemitemo inobata vasungwa vanenge vabatwa vaine mhosva.

Vachizivikanwa nemibvunzo yavo yaipinza munguva dzekuzeya nyaya mudare nekukwanisa kwavo kuita kuti vatungamiri vabude pachena mumabasa avo avanenge vachiita, Amai Harris vakave munhu aizivikanwa munyika yose.

Asi pavaiedza kutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika yemuna 2020, Amai Harris vakanetseka kuti vabudirire zvichiwedzerwa nekusagadzikana kwevaivabatsira kutsvaga rutsigiro.

VaGil Duran avo vaibatsira Amai Harris vanoti, “Ichokwadi kuti paive nenyaya dziri pamusoro pekuwanda kwevashandi nekukundikana kwavo kuchengeta vanhu vaive nehunyanzvi hwebasa.”

VaBiden vakahwinha vakadomwa kumirira Democratic Party musarudzo, vakakumbira Amai Harris kuti vashande navo semutevedzeri wavo.

Vaviri ava vakaenderera mberi nekukunda zvakaita kuti Amai Harris vave mudzimai wekutanga uye wechitema kupinda muhofisi iyoyo.

Vakatarisana nedambudziko rekukwira kwehuwandu hwevekunze vaiedza kuyambuka muganhu wekuchamhembe kweAmerica, mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Harris vakaita misangano nevatungamiri vemudunhu kuti vagadzirise kusagadzikana nehurombo.

Vakakasika kuve munhu akanangwa mune zvematongerwo enyika.

Amai Kathy Willmont muvhoti weku California vanoti, “Vaifanirwa kuve ivo mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwemuganhu wedu, uye handimbozivi kana vati vambodzikako here.”

Amai Harris vagadzikana manje vachishanda senhumwa mupasi rose, vachisimbisa nyaya dzerutsigiro nekupodza makakava.

Uye mubasa rakaumbwa kuburikidza nekukunda zvimhingamipinyi nekupfurikidza zvaitarisirwa, Amai Harris vakasimuka zvakare vakave mumiriri weDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika apo VaJoe Biden vakabuda mumakwikwi esarudzo zvakanga zvisina kutarisirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya yandakuverengerai iyi yabva kuna Matt Dibble, mutori wenhau weVOA News ari ku Oakland kuCalifornia.

Forum

XS
SM
MD
LG