Accessibility links

Breaking News

Nhoroondo yaVaDoug Emhoff, Vanove Murume weVari Kumirira Democratic Party muSarudzo yeMutungamiri weNyika, Amai Kamala Harris


VaDoug Emhoff, murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris.
VaDoug Emhoff, murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris.

Kana vari kumirira Democratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, Amai Kamala Harris, vakabudirira kuita nhoroondo yekuve mudzimai wekutanga kusarudzwa semutungamiri wenyika musarudzo dziriko neChipiri, murume wavo VaDoug Emhoff vanenge vapindawo munhoroondo yekuve murume wemutungamiri wenyika wekutanga munhoroondo, kana kuti ‘first gentleman.’

Kanenge kave kepiri kune vaimbove gweta mune zvekutandadzana ava kupinda munhoroondo, zvichitevera kupedza kwavo makore mana vari murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika wekutanga kana kuti ‘second gentleman.’ Mutori wenhau we VOA Dora Mekouar (Meh-kwar) anotipa Nyaya iyi.

VaDoug Emhoff vapedza makore angada kusvika kumana vari mupembedzi mukuru wemudzimai wavo.

Pakutoreswa mhiko kwemudzimai wavo, VaEmhoff vakati, “Ndinokuda zvakanyanya. Ndinovimba nekutimirira kwauri kuita tose zvedu.”

Iri ibasa rinotarisirwa nevaive gweta ava kuti vacharamba vachiita kana Amai Kamala Harris vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, uye VaEmhoff vachipinda munhoroondo yekuve murume wemutungamiri wenyika ari pachigaro wekutanga.

“Ndichangozviita nenzira imwecheteyo. Ndepapi pandinofanirwa kubatsira zvakasimba semurume wake? Kumutsigira, kumuda semazuva ose, nekuvepo nguva dzose, asi nekutiwo ndingamubatsira sei semutungamiri wenyika, kubatsira hutungamiri, kubatsira vanhu veAmerica, kuve wekutanga, nekuti ndezvipi zvimwe zvandingaendese mberi?”

VaEmhoff vakaroora Amai Harris muna 2014 mushure mekuronga kusangana vasati vamboonana, kana kuti blind date.

Apo mukurumbira mune zvematongerwo enyika wemudzimai wavo waikura, VaEmhoff vakabuda pachena vachitora chidanho chekutsigira mudzimai wavo.

Amai Kelly Dittmar vanotungamira sangano reCenter for American Women and Politics paRutgers University anoti, “Vakajekesa pachena, sekuti, handisi pamusoro pemabasa ose ekutsigira aya uye handidi kuti mumwe munhu afunge kuti nekuti ndiri munhurume, handikwanise kuitawo mabasa ekutsigira aya.”

VaEmhoff vakasiya basa ravo rehugweta vakatanga kudzidzisa paGeorgetwon University apo Amai Harris vakave mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vanoti mudzimai wavo akavasunda kuti vatore basa rekuve murume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika iri nemaonero avanoita.

“Sezvo ndiri murume wekutanga kuita izvi, ngatitaure pamusoro penyaya dzekuenzaniswa kwemikana. Ndakataura zvakanyanya pamusoro pekuenzaniswa kwemikana, kuenzaniswa kwemihoro, zororo remhuri, nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana.”

MuAmerica, vanhukadzi ndivo vanga vagara vari madzimai evezvematongerwo enyika vari pamusorosoro avo vanga vari vanhurume nguva dzose.

Asi VaEmhoff vanonzi naAmai Anita McBride veku American University, varatidza kuti vanokwanisa kuchinja.

“Vanotaura nezvehupenyu hwemhuri yavo, zviri pachena, vanoti ‘Ndiri pano kushanda. Basa rangu rakakoshesesa nderekutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika.’”

Semurume wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmhoff, vanove muJuta, vakatungamira muhurongwa hwekurwisana nekuvengwa kwemaJuta vachibatsira hurumende yaVaBiden.

Madzimai evatungamiri venyika agara anotarisa mabasa ekutandadza akaita sekuona nezvehurongwa hwemabiko ehurumende nekutambira zvishongo zvinoshandiswa kumuzinda weWhite House munguva dzezororo reKisimusi.

“Unotarisa nyaya dzechikafu nemaruva nezvekushandisa zvakaita sendiro. Zvingave zvimwe zvezvinhu vavanoda kuita here? Vanogona kuzvida, vanogona kusazvida,” Amai McBride vanotsanangura.

Semutungamiri wesangano reSenate Spouses Organization, VaEmhoff varatidza kare kuti vakazvipira kutambira tsika yagara iripo iyi.

“Kune kudya kwemasikati, kune mabiko anoitwa kumba kwemutevedzeri wemutungamiri wenyika, ndakave nechokwadi chekuti ndakapindawo mune zviitiko zvagara zviriko izvi, uye, semurume wemutungamiri wenyika, kune dzimwe tsika dzandinotarisira kutsigira nemwoyo wese.”

Madzimai evatungamiri venyika vanowanzogovera pachena kuSmithsonian Museum iri muWashington zvipfeko zvavo zvavanenge vakapfeka pazuva rekutorwa kwemhiko. Zvasara kuonekwa kana sutu yemurume ichange ichiiswawo ikoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyo yanga iri Nyaya yabva kumuturo wenhau weVOA Dora Mekouar ari mu Washington yandakuverengerai.

Forum

XS
SM
MD
LG