Vaimbova mudzimai wemutungamiri wenyika yeAmerica Amai Melania Trump, vaishambadzira zvekupfeka kana kuti modeling uye iri ibasa ravaigona zvikuru. Asi pakaita murume wavo VaDonald Trump mutungamiri wenyika muna 2016m pakave nenguva dzekufara nekusuwa muhupenyu hwavo.
Ikozvino pave nemumwe mukana wekuti vanogona kudzokera kuWhote House kana murume wavo akakunda musarudzo yanhasi nekudaro, regai timbotarisa nhoroondo yavo uye zviri kutarisirwa nevanhu.
Vabereki vavo vakavapa zita rekuti Melanija Knavs. Pasi rose rinovaziva sevaive mudzimai wemutungamri wenyika Melania Trump. Vakaberekwa musi wa 26 Kubvumbi, 1970 kuNovo Mesto, Slovenia, yaimbonzi Yugoslavia. Pavaikura mudhorobha reSevnica, baba vavo vaiita basa rekutengesa motokari Amai vake vachishanda mukambani yemachira. Asi Knavs aifarira zvemuchena, sekutaura kweshamwari yake kuchikoro Mirjana Jelancic, “Aifarira zvekusona, aitosona hembe itsva kubva pane tsaru achiwedzera hudobidobi hwake.”
Knavs akambomira kuita zvechikoro munyaya dzekusona hembe ndokutanga zvekushambadzira zvipfeko kana kuti modelling kuEurope. Kubudirira kwake ndiko kwakazoita kuti auye kuAmerica kumakore emu1990.
Katherina Jellison wepaOhio University anoti, “Nyaya yekushambadza zvipfeko uye achidaidzwa kumabiko eshoroma kuNew York ndizvo zvandinofunga kuti zvakaita kuti asangane naVaDonald Trump.”
Knauss akazotanga kunzi Melania Trump musi wa 22 Ndira, 2005 akazvara mwana mukomana wake wekutanga, Baron mugore rakatevera. Mugore rimwe chete akabva apihwa hugaro hweAmaerica sezvhizvarwa kana kuti US Citizen.
Hupenyu hwaAmai Trump hwakatora rimwe gwara apo murume wavo akasarudzwa kuva mutungamiri wenyika muna 2016, vachimirira bato reRepublican Party vachinubatsirawo kutsvaga rutsigiro. Panguva iyi vakati, “Zvinofadza kuva pano nemi nemurume wangu, ndinodada naye.”
VaDonald Trump vakatora mhiko yekutungamira nyika yeAmerica muna Ndira 2017 vachive mutungamiri wechimakumi mana neshanu kana kuti 45th U.S. president.
Semudzimai wemutungamiri wennyika, Amai Trump vakashanyira nyika dzakawanda vakaparura zvirongwa zvakaita se ‘Be Best’ vachikurudzira kuti vana vave nehutano hwakanaka vasingashandise zvinodhaka.
Havana kuda kupinda zvakanyanya mune zvematongerwo enyika sezvinoitwa nemamwe madzimai evatungamiiri venyika asi izvi hazvina kuita kuti vatori venhau vasanyore nezvavo sematauriro aJellison, “Vaishorwa nevamwe nekupfeka kwavo, nedanho ravo rekuramba kuenda kunogara kuWhite House pekutanga uye chirongwa chavo che”Be Best” chichinzi hachina zvakawana zvachakabatsira zvichienzaniswa nezvimwe zvirongwa zvaiitwa nemadzimai evatungamiri venyika”
Pavakabuda muWhote House, Amai Trump havana kuzoonekwa zvakanyanya paruzhinji. Vaingobuda pano neapo dzimwe nguva vachitsigira murume wavo paitsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa mangwana uye vachishambadza bhuku ravakanyora. Panyaya yebhuku ravo vakati, “Kunyora bhuku iri kwandibatsira kuti ndifungisise nezvehupenyu hwangu.”
Mumwe muvhoti wekuWisconsin Austin Smith akavhotera VaDonald Trumo anoti Amai Trump vakadzokera kudzokera kuWhite House vanofanira kuita zvirongwa zvekubatsira vanhu. Ati, “Ndinoda kuti kana vadzokera kuWhite House vaite zvirongwa zvekubatsira vanhu.” Vaendeerra mberi vachiti, “Chikuru chandinoda kuti chiitwe kupa vana vechikoro zvekudya.”
Mumwe webato reDemocratic Party Jasleen Kaur anoti anoda kuti Amai Melania Trump vaite zvinhu zvinobatika. “Kuenda kuvanhu mumaguta vachiraura navo, kuenda kumamisha, kuti vanhu vavazivewo kwete kungomirira lunzi mudzimai wemutungamiri wenyika, asi kuti mudzimai ane simba rinogona kubatsirawo vanhu.”
Anoongorora zvematongerwo enyika Jellison anoti semafungiro ake, Amai Trump vachaenderera mberi vasingaite mabasa anoita kuti vaite mbiri nekushanda nevanhu.
Nyaya iyi yatumirwa naVeronica Baldera Iglesias mukaiverengerwa neni Blessing VOA News.
Forum