Accessibility links

Breaking News

Amai Harris Vanoti Kutambidzana Masimba Murunyararo Ndotsika yeAmerica


Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris

America iri kugadzirira kutambidzanwa kwemasimba mutungamiri wenyika VaJoe Biden vachikorokotedza vamirira kutora mhiko yekutungamira nyika VaDonald Trump uyewo mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Kamala Harris vachitambira kukundwa kwavo musarudzo.

Amai Harris vakatenda kuti vainge vakundwa musarudzo paHoward Universitym apo vakadzidza uye pavainge vari vakamirira zvainge zvabuda musarudzo. Amai Harris vainge vatoti vakazvipira kutambura zvinenge zvabuda musarudzo zvinova zvakasiyana naVaTrump avo vaisazvipira kuzvitambira vachiti sarudzo dzinogona kubirirwa. Vakati kutambira zvabuda musarudzo itsika yevanhu vemuAmerica.

Amai Harris vanoti, “Tinoremekedza nekukoshesa bumbiro remitemo nenyika yeAmerica kudarika mutungamiri wenyika kana bato.”

Vaenderera mberi vachiti, “Tinopa ruremekedzo nerukudzo kuzvatiri sevanhu uye kurumbidza Musiki. Kuzvininipisa kwangu pamberi pezvinhu zvitatu izvi ndiko kwapa kuti ndive pandiri nhasi. Asi apo ndiri kutambira zvabuda musarudzo, handisi kuti handichatendi mune zvandaifunga kuti zvinofanira kuitwa pandaitsvaga rutsigiro.”

Amai Harris vange vambofonerawo VaTrump vachivakorokotedza nekukunda musarudzo uye zvipangamazano zvavo zvinoti vakataura nezvakakoshera kutambidzana masimba murunyararo uye kuva mutungamiri wemunhu wose muAmerica.

Zvipangamazano zvaVaTrump zvinoti vamirira kutora mhiko yekutungamira VaTrump vakatenda Amai Harris nehushingi hwavo, kusvibata kwavo pavaitsvaga rutsigiro uye vaviri ava vakati zvakakosha kubatanidza nyika.

Muzinda weWhite House unoti mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakataura naVaTrump naAmai Harris uye nhasi vachaturawo mashoko kunyika.

Mumashoko avo, Amai Harris vakayedza kunyaradza vatsigiri vavo nevaivabatsira. Vati, “Kana kwaita rima ndipo paunokwanisa kuona nyeredzi.: Vaendere vachiti, “Ndinoziva kuti vanhu vakawanda vari kuona sekuti tave kupinda murima, asi izvi handizvo. Asi ndinzweiwo kana muchifunga kuti tiri murima, ngatichenese denga nechayedza chenyeredzi.”

Mashoko aAmai Harris akarangaridza vanhu nezvegore ra2016 apo mumwe mudzimai, Amai Hillary Clinton vakakundwa naVaTrump vakatambirawo kukundwa kwavo.

Vatsigiri vaAmai Harris vanodarika zviuri zviviri vainge vaungana paHoward University Manheru emusi weChipiri kuti vapemberere kukunda kwaAmai Harris asi kwakazove nekusuwa apo zvakabuda pachena kuti vainge vokunndwa.

Apo Amai Harris vainge votaura, vamwe vatsigiri vavo kusanganisira Caitlin Gaulthier vakadonhedza musodzi. Va Gaulthier, “Ndamuka ndichichema.” Vatizve, “Ndakabva pagungano ranezuro ndichichema. Asi ikozvino ndave kunzwa zviri nani. Tine ndima ine makata asi hazvirevi kuti rwendo rwasvika kumagumo.”

Mumwe mutsigiri waVaHarris, VaJonathan Burton vati, “Vatipa chivimbo chekuti tirambe tichishanda nesimba, tichizvishandira pachezvedu, kushanda muatunhu edu uye ndinofara kuti vapeta hurongwa hwavo vachitipa chivimbo.”

Vanotsigira Amai Harris VaDita Bargava, vatiwo, “Vanhu vataura.” Vatiwo, “Tinofanira kuzviremekedza. Ndiho hutongo hwejekerere asi tinofanira kuramba tichishanda.”

VaTrump vakaudza vatsigiri vavo nezuro kuti vainge vakunda. Vakati, Vanhu vakabva kumativi mana ose enyika, vamiriri vevashandi nevasiri vamiriri vevashandi, vatema maHispanic Americans, Arab Americans, Muslim Americans. Taive nerutsigiro kubva kumarudzi ose uye zvaiyevedza. Kubatana kwakapinda munhoroondo.”

VaTrump vakawana mavhoti mazana maviri nemakumi matanhatu nemapfumbamwe nemaviri kana kuti 292, Amai Harris vakawana mavhoti mazana maviri nemakumi maviri nemana 224.

Nyaya iyi yatumirwa naPatsy Widakuswara VOA News mukaiverrengerwa neni Blessing Zulu VOA Studio 7

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG