Accessibility links

Breaking News

Vamwe muZanu PF Vopembera neKusarudzwa kwaVaTrump Vachiti Vanoona Vachibvisa Zvirango Zvavanoti Zvakatemerwa Nyika


VaDonald Trump.
VaDonald Trump.

Mushure mekusarudzwa kwaVaDonad Trump semutungamiri weAmerica wechimakumi mana nenomwe, kana kuti 47th president, vamwe muZanu PF vanonzi vari kupembera nekusarudzwa uku vachiti vanotarisira kuti VaTrump vachabvisa zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika neAmerica.

Vari kupemberera ava vanoti zvakare vanoona VaTrump vachipindira mukuti hondo dziri pakati peRussia neUkraine uye Israel neHamas iyo yave kutyirwa kuti ingangopararira nedunhu rose reMiddle East.

Asi America neBritain dzagara zvadzo dzichiramba kuti dzakatemera Zimbabwe zvirango, America ichiti yakangotemera zvirango vanhu gumi nemumwe chete kusanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemakambani matatu chete nenyaya yekutonga nedemo pamwe nekuita huwori, kunyange havo ivo vari kuramba zvipomerwa izvi.

Mumashoko avo ekukorokotedza VaTrump nekukunda kwavo, VaMnangagwa vakati vakagadzirira kushanda naVaTrump mukuunza runyararo pasi rose.

Zimbabwe inoti yakatemerwa zvirango nekuti yakatora ivhu kubva kuvarimi vechichena ichipa kuvatema vemunyika. Kuti ibviswe pazvirango izvi, hurumende inonzi yakatsvaga makambani mana anoti Mercury Public Affairs ne BTP Advisers dzekuBritain, uye Ballard Partners ne Avenue Strategies dzeku America kuti ibatsirwe kuti zvirango zvainoti yakatemerwa izvi zvibviswe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza vanoti kupemberera kukunda kwaVaTrump hakurevi kuti munhu wavo kwete.

"Tiri kupembera nekuti VaTrump munhu ane pfungwa dzekusada kupindira munyika dzevamwe. Ende haana pfungwa dzekubatabata kana kurwisana nevanhu vaanenge asina kuburana navo," Doctor Mavaza vanodaro.

Vanoti ivo sevanhu veZimbabwe vari kutarisira kuti Vatrump vachabvisa zvirango zvose semunhu akati haadi kupindira mune dzimwe nyika.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti vanoda kutanga nekutenda Amai Kamala Harris nekutambira kuti vakakundwa naVaTrump uye kutaura kuti vachaita kuti pave nekuchinjana masimba murunyararo, izvo zvavanoti zvinotadza kuitwa nevamwe vavanoziva vekuZimbabwe.

"Chikoro chikuru chandinofungidzira kuti vanhu veZanu PF nanaMavaza vanofanirwa kudzidza. Touya panyaya yekupemberera. Aiwa, tese tiri kupemberera. Makaona mukuru wema Citizen president Chamisa vachitaurawo vachipemberera vachikorokotedza President trump nekukunda kwavakaita. Isu semaCitizen emuZimbabwe tinoshanda zvakanaka nemaDemocrats nemaRepublican. Vose vanoziva hondo ikurwiwa nevana veZimbabwe. Kune munhu ari kutyora kodzero dzevanhu."

VaDzvokora vanoti nekuda kwaizvozvo, havaoni hurumende yaVaTrump ichibvisa zvirango zvacho zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe vavo, vachiti kana dai kwakauya mutungamiri anobva kudenga, hapana zvinoshanduka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG