Vachangosarudzwa kutungamira nyika yeBotswana, VaDuma Gideon Boko, nhasi vatoreswa mhiko semutungamiri wechitanhatu kubva nyika iyi zvayawana kuzvitonga kuzere kubva kuBritain muna 1966. Zviuru nezviuru zvaungana munyika iyi zvichipemberera kugadzwa kwavo.
Vamwe vange varipo mutungamiri wenyika uye vari sachigaro weSADC, VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa, mutungamiri weNamibia, VaNangolo Mbumba, mutungamiri weZambia, VaHakainde Hichilema, mutevedzeri wemutungamiri weSouth Africa, VaPaul Mashatile vange vakamirira nyika dzavo.
Asi VaBoko vakokawo vatungamiri vemapato anopikisa vanosanganisira Advocate Nelson Chamisa, VaJob Sikhala veNational Democratic Working Group, mutungamiri weEconomic Freedom Fighters, VaJulius Sello Malema nevamwe.
Mumashoko avo mushure mekutora mhiko, VaBoko vati Botswana yaratidza kuti inoremekedza hutongo hwejekerere nekutambidzana tsvimbo yekutungamiri murunyararo.
Vati, “Iyi inguva yakakosha munhoroondo yenyika yedu, inguva inoita kuti munhu azvininipise kudzikamise pfungwa.”
Vati, “Sechave chigariro, tiri kuonekwa nedzimwe nyika semuenzaniso wakanaka hwehutongo hwejekerere.”
Mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZANU PF, VaFarai Marapira vati zviri kutaurwa naVaChamisa naVaSikhala hazvina mature.
Vati, “Tinotoona kuti ivo VaChamisa ndivo vane zvidzidzo zvizhinji zvavanofanirwa kuti vadzidze kubva kuBotswana."
Muhurukuro neStudio7, VaChamisa vati shuviro yavo kuona VaMnangagwa vachidzidza mune zvitika muBotswana. Vati, “Kana tisiri kuita sarudzo dzakachena, tinokonzera kusagadzikana. Tarisa zviri kuitika kuMozambique. Tinoda sarudzo dzakachena.”
VaSikhala , “Chanyanya kundifadza chaizvo ndechekuti VaBoko Duma vagona kuyeuka vamwewo vari mudunhu rino vari munyaya dzedzivo ravakarwa vakahwina muno regutsa ruzhinji,”
Vachinyora padandemutande ravo reX, VaMnangagwa vati ruremekedzo rwukuru kuva pagugadzwa kwaVaBoko.
Asi pane chichachinja here pakudyidzana kweZimbabwe neBotswana nehutungamiri hutsva uhu? Doctor Feddious Mutenheri vanodzidzisa paLivingstone Kolobeng College vaudza Studio 7 vati shanduko ichauya.
Vati izvi hazvisi zvitsva nekuti kunyangwe VaMnangagwa vaidyidzana zvakasimba nemutungamiri akakundwa musarudzo VaMokgweetsi Masisi vaiwirirana naVaMnangagwa asi mushakabvu Robert Mugabe vaisanyotsowirirana naVaIan Khama.
Bato raVaBoko reUmbrella for Democratic Change kana kuti UDC rakarakashura mare apo rakakunda bato raitonga reBotswana Democratic Party kana kuti BDP musarudzo dzakaitwa musi wa30 Gumiguru gore rino. Bato reBDP range ratungamira nyika kubva muna 1966 pakawana nyika iyi kuzvitonga kuzere.
Forum