Mutongo wanga wakatarisirwa kupiwa neMuvhuro kunhengo dzebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change makumi matanhatu neina, kusanganisira vakafanobata chigaro chemutungamiri wechimwe chikwata chebato iri, VaJameson Timba, wanzi wave kuzopiwa nemusi weChishanu svondo rino mushure mekunge mutongi wedare ramejasitiriti, VaCollet Ncube, vatadza kuenda kudare.
Mutongi amira pachinzvimbo chaVaNcube, VaDonald Ndirowei, vanonzi havana zvikonzero zvavapa pakusaenda kudare kwaVaNcube.
VaTimba nevamwe vavo vasvitsa mazuva zana nemakumi mana nemanomwe, 147, vari mutirongo kubva zvavakasungwa musi wa 16 Chikumi gore rino apo vaicherechedza zuva remwana wemuAfrica.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Human Rights Association, VaDzikamai Bere, vanoti zviri kuramba zvichiitwa nematare zvekusapa mutongo kutyora kodzero dzevasungwa dzavanopiwa nebumbiro remitemo yenyika.
"Kureva izvo kuti kana munhu akaramba akaiswa muhusungwa achinzi akamirira kutongwa dare redu rinosungirwa nebumbiro redu remitemo kuti vachimbidze kuunza vasungwa ivavo pamberi pedare kuti vange vachitongwa," VaBere vanodaro.
Vanoti zviri kuitika izvi zvinenge zvave kuoneka sekuti vachuchisi vave kushandisa mutemo kupindira munyaya dzekurwisana kwevezvematongerwo enyika, asi vanoti havakurudziri kuti matare apindire munyaya dzakaita saidzodzo.
Forum